1
Isaya 9:6
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti takaɀarirwa Mŋana, takapiwa Mŋanakomana; ʋumambo ʋucaʋa pafudzi rake; zita rake ricanzi: Unoshamisa, Gota, Mŋari unesimba, Ƃaɓa ʋokusiŋgaperi, Mucinda worugare.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 9:2
Ʋanhu ʋaifamba murima ʋakaʋona ciedza cikuru; ʋaigara munyika yomumvuri worufu, ʋakapenyerwa ciedza.
3
Isaya 9:7
Kukura kwoʋumambo bgake nokworugare haɀinamugumo, agare pacigaro coʋushe caDavidi napaʋushe bgake, aʋusimbise aʋutsigire nokururamisira nokururama kubva ɀino kuȿikira paŋguʋa isiŋgaperi. Kushiŋgaira kwaJehova wehondo kucaɀiita.
4
Isaya 9:5
Nokuti shaŋgu imŋe neimŋe yomurwi, yakatsika nokutinhira, neŋguʋo yakanyikwa muropa, ɀicapiswa, ɀicaʋa sehuni dzomŋoto.
5
Isaya 9:1
Asi iye, waiʋa pakumanikidzwa, haaŋgazoʋi nerima. Paŋguʋa yokutaŋga wakaninipisa nyika yeZeburuni nenyika yeNaftari, asi paŋguʋa yaɀino wakaikudza, kurutiʋi rweguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni.
6
Isaya 9:3
Makawanza rudzi, makawedzera mufaro waʋo; ʋanofara pamberi penyu, sokufara kwaʋanhu paŋguʋa yokuceka, sokufara kwaʋanhu kana ʋacigoʋerana ɀakapambga.
7
Isaya 9:4
Nokuti makavuna joko raiʋaremedza, netȿimbo yairoʋa mafudzi aʋo, neshamhu yaʋaiʋamanikidza, sapamazuʋa aʋaMidiani.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo