1
1 Petirosi 3:15-16
Shona Bible 1949, revised 2002
Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe anokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya; ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambiro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Petirosi 3:12
Nokuti meso aIshe ari pamusoro pavakarurama, Nenzeve dzake pakukumbira kwavo. Asi chiso chaIshe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.”
3
1 Petirosi 3:3-4
Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo; asi ngakuve munhu akavanzikawo mwoyo, akashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.
4
1 Petirosi 3:10-11
Nokuti, “Uyo, anoda upenyu, Nokuona mazuva akanaka, Ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera. Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; Ngaatsvake rugare, arutevere.
5
1 Petirosi 3:8-9
Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise; musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
6
1 Petirosi 3:13
Ndianiko achakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?
7
1 Petirosi 3:11
Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; Ngaatsvake rugare, arutevere.
8
1 Petirosi 3:17
Nokuti zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka, pakuti kana muchiita zvakaipa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo