1
1 Petirosi 2:9
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, upristi hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Petirosi 2:24-25
iye akatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake. Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.
3
1 Petirosi 2:10
Imi kare makanga musi vanhu; asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni.
4
1 Petirosi 2:2
savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa; kuti mukure nawo, mugoponeswa
5
1 Petirosi 2:11-12
Vadikanwi, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya; mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka.
6
1 Petirosi 2:5
Nemiwo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve upristi utsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.
7
1 Petirosi 2:1
Naizvozvo rasai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namanomano, negodo, nokuchera kwose
8
1 Petirosi 2:4
Uyai kwaari, iye ibwe benyu, rakaraswa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha.
9
1 Petirosi 2:16
savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.
10
1 Petirosi 2:15
Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo