Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petirosi 2

2
Kurai muna Kristu
1Naizvozvo rasai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namanomano, negodo, nokuchera kwose, 2savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa; kuti mukure nawo, mugoponeswa; 3kana makaravira kuti Ishe anomwoyo munyoro.
4Uyai kwaari, iye ibwe benyu, rakaraswa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha.
5Nemiwo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve upristi utsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu. 6Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti,
“Tarira, ndinoisa muZioni ibwe
rekona, rakasanangurwa, rinokosha;
Neanotenda kwaari haanganyadziswi.”
7Naizvozvo imi, munotenda, munako kukudzwa; asi kuna vasingatendi,
“Ibwe rakaraswa navavaki,
Ndiro rakaitwa musoro wekona;”
8uye,
“Ibwe rokugumbusa,
Nedombo rokupinganidza.”
Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo.
9Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, upristi hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa. 10Imi kare makanga musi vanhu; asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni.
Mufambiro wavakristu pakati pavahedheni
11Vadikanwi, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya; 12mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka.
Tinofanira kuzviisa pasi pavabati venyika
13Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaIshe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; 14kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye varumbidze vanoita zvakanaka.
15Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi; 16savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.
17Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.
Varanda
18Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kwose, musingazviiti kuna vakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakaruramawo. 19Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira mukutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari, achitamubudzika asina mhosva.
20Nokuti kune rumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarohwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari. 21Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake; 22iye asina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuonekwa mumuromo make; 23iye akati achitukwa, haana kutukazve; akati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi akaisa mhaka yake kuna iye anotonga zvakarurama; 24iye akatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake. 25Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Petirosi 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda