1 Petirosi 3
3
Vakadzi navarume
1Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambiro wavakadzi vavo pasina shoko rinorehwa, 2kana vachiona mufambiro wenyu, wakachena pamwechete nokutya Mwari. 3Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo; 4asi ngakuve munhu akavanzikawo mwoyo, akashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari. 5Nokuti saizvozvowo kare vakadzi vatsvene, vaitarira kuna Mwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo, 6saSara waiteerera Abhurahamu, achimuti, “Ishe,” mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa.
7Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwechete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.
Rudo nokutsungirira pakutambudzika
8Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise; 9musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10Nokuti,
“Uyo, anoda upenyu,
Nokuona mazuva akanaka,
Ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa,
Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera.
11Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka;
Ngaatsvake rugare, arutevere.
12Nokuti meso aIshe ari pamusoro pavakarurama,
Nenzeve dzake pakukumbira kwavo.
Asi chiso chaIshe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.”
13Ndianiko achakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka? 14Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa.
15Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe anokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya; 16ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambiro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe. 17Nokuti zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka, pakuti kana muchiita zvakaipa. 18Nokuti naKristu akatambudzikawo kamwechete pamusoro pezvivi, iye akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; akaurawa hake panyama, asi akararamiswa mumweya; 19mauri akandoparidzirawo mweya iri mukusungwa, 20yakanga isina kuteerera kare, panguva iya mwoyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNoa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura. 21Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu; 22iye ari kurudyi rwaMwari; akapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Petirosi 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002