1 Petirosi 4
4
1Naizvozvo, Kristu zvaakatambudzika panyama, nemiwo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu akatambudzika panyama arega zvivi; 2kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari. 3Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira; 4vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa. 5Ivo vachazvidavirira kuna iye akazvigadzira kutonga vapenyu navakafa. 6Nokuti nokuda kwaizvozvi Vhangeri yakaparidzirwa vakafa, kuti vatongwe havo panyama nomutowo wavanhu, asi vararame nomutowo waMwari pamweya.
Chenjerai, nokuti kuguma kwava pedyo
7Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo; naizvozvo ivai vakachenjera, musvinure kuti munyengetere. 8Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.
9Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti. 10Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
11Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye ano kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
12Vadikanwi, musashamiswa nokunyanyisa kwokuedzwa pakati penyu, kwakauya kukuedzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi; 13asi farai zvamunogovana naKristu mukutambudzika kwake, kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru.
14Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu; 15nokuti kurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika nemhaka yokuti muurayi, kana mbavha, kana anoita zvakaipa, kana asingaregi zvavamwe; 16asi kana munhu achitambudzika nokuda kwokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari nezita iri.
17Nokuti nguva yasvika yokuti kutonga kutange muimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingateereri Vhangeri yaMwari kuchagoveiko? 18Uye kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko uyo, asingadi Mwari, nomutadzi, vachagoonekwepi?
19Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Petirosi 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002