1
Ezekieri 18:32
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Nokuti handifariri rufu rwounofa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ezekieri 18:20
Munhu anotadza, ndiye achafa; mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake, nababa havangavi nemhosva yezvakaipa zvomwanakomana wavo; kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, nokuipa kwowakaipa kuchava pamusoro pake.
3
Ezekieri 18:31
Rashai kure nemi kudarika kwenyu kwose, kwamakadarika nako, muzviitire mwoyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imi mhuri yavaIsiraeri?
4
Ezekieri 18:23
Ko ini ndingatongofarira rufu rwowakaipa here?” Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; “Handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?
5
Ezekieri 18:21
“Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
6
Ezekieri 18:9
akafamba nemitemo yangu, akachengeta zvandakarayira, kuti aite zvamazvokwadi; iye akarurama, zvirokwazvo achararama,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.