1
Isaya 51:12
Shona Bible 1949, revised 2002
“Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 51:16
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ”
3
Isaya 51:7
“Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurayiro wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo.
4
Isaya 51:3
“Nokuti Jehovha akanyaradza Zioni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nezwi rokuimba.
5
Isaya 51:11
Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchapera.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo