1
Mateu 4:4
Shona Bible 1949, revised 2002
Asi akapindura, akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.’ ”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateu 4:10
Ipapo Jesu akati kwaari, “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Pfugamira Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
3
Mateu 4:7
Jesu akati kwaari, “Kwakanyorwawo, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
4
Mateu 4:1-2
Zvino Jesu akatungamirirwa naMweya kurenje, kuzoedzwa naDhiabhori. Akati azvinyima zvokudya mazuva ana makumi mana, nousiku hunamakumi mana, akabva oziya.
5
Mateu 4:19-20
Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera.
6
Mateu 4:17
Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.”
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo