1
Ezekieri 18:32
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Chikonzero ndechokuti handifariri kuti ani naani zvake afe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Saka pindukai murarame.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ezekieri 18:20
Munhu anoita chitadzo ndiye anofanira kuti afe. Mwana haafaniri kutambudzika nokuda kwohwutadza hwababa vake kana babawo kutambudzika nokuta kweuipi hwemwana wake. Mururami achawana mubayiro woururami, muipi achiwanawo mubayiro wouipi.
3
Ezekieri 18:31
Kandai pasi zvikanganiso zvenyu zvose zvamakapara kwandiri muwane mwoyo mutsva nomweya mutsva. Madireiko kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri?
4
Ezekieri 18:23
Ndinofarira rufu rwomuipi here?” Ndizvo zviri kubvunza Tenzi Mwari, “Ndisingatofarira kuti atendeuke kunzira dzake agorarama?
5
Ezekieri 18:21
“Asi kana munhu akaipa akasiyana nezvitadzo zvake zvose zvaakapara oita zviri pamutemo zvakarurama, anofanira kurarama, haafe.
6
Ezekieri 18:9
anotevera mitemo yangu achinyatsochengeta mirawo yangu, mururami. Anofanira kurarama, ndizvo zviri kutaura Tenzi.