1
Isaya 62:4
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Iwe hauchazonzi, “Murambwi,” nyika yako haichazonzi, “Dongo.” Asi uchatonzi, “Wangu wapamwoyo,” nyika yako ichinzi, “Muroora,” nokuti Tenzi anofadzwa newe, nyika yenyu icharoorwa
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 62:6-7
Pasvingo ako iwe Jerusaremu ndaisa vatariri, havambonyarara siku nesikati. Imi munoyeuka Tenzi kudai musazorore, musambomupa zvenyu zororo, kudzamara aita kuti guta reJerusaremu rimire ariita kuti rive nomukurumbira pasi pano.
3
Isaya 62:3
Uchave ndaza yakanakisisa muruoko rwaTenzi, nenyembe youmambo chaiyo muruoko rwaMwari wako.
4
Isaya 62:5
sezvinongoita mukomana anoroora mhandara, iye akakuvaka wacho achakuroora uye sokufarira kunoita mukomana mukadzi waaroora ndokukufarirai kuchaita Mwari wenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo