1
Mateu 8:26
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Jesu akati kwavari, “Ko munotyireiko mukadaro? Inga muri vanhu vechitendero chidiki!” Akabva asimuka akatsiura dutu riya negungwa kukabva kwanyatsoti dzikadzika kunyarara.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateu 8:8
Asi mutungamiri wezana uya akamupindura achiti, “Tenzi handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ingotaurai zvenyu izwi chete, muranda wangu achapora.
3
Mateu 8:10
Jesu paakamunzwa akashamiswa. Akati kuna vaimutevera, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handina kumboona chitendero chakadai.
4
Mateu 8:13
Jesu akati kumutungamiri wezana, “Chienda zvako ngazviitike sokutenda kwako.” Muranda uya akabva apora panguva iyoyo.
5
Mateu 8:27
Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo