1
2 Samueri 12:13
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Jehovha.” Natani akapindura akati, “Jehovha akuregerera chitadzo chako. Haungafi hako kwete.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Samueri 12:9
Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni.