1
Joshua 2:11
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Patakazvinzwa mwoyo yedu yakarukutika, uye hapana akasara nokutsunga maari nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga napasi panyika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Joshua 2:10
Takanzwa maomeserwo akaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naJehovha nokuda kwenyu pamakabuda muIjipiti, uye zvamakaita kuna Sihoni naOgi, madzimambo maviri avaAmori kumabvazuva kweJorodhani, avo vamakaparadza zvachose.
3
Joshua 2:8-9
Vasori vasati varara, iye akakwira padenga remba, ndokuti kwavari, “Ndinozviziva kuti Jehovha akupai nyika ino, uye kuti kutyiwa kwenyu kukuru kuri pamusoro pedu, zvokuti vose vanogara munyika muno vari kubvunda nokutya nokuda kwenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo