Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 16

16
Ɀipo ɀakaʋuŋganidzirwa ʋatendi ʋapaJerusarema, namamŋe mashoko okupedzisira.
1Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀakaʋuŋganidzirwa ʋatȿene, seɀandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemi ʋo saiɀoɀo. 2Nomusi wokutaŋga weviki, mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaakamure ɀimŋe kumba kwake, aʋuŋganidze, paakawana napo, kuti ɀipo ɀirege kuʋuŋganidzwa, kana ndiciȿika. 3Kana ndaȿika, ndicatuma aʋo ʋamunotenda neŋwadi, ʋagondoisa ɀipo ɀenyu Jerusarema 4Kana ɀakafanira kuti ini ndiende ʋo, ʋaŋgaenda neni. 5Ɀino ndicaʋuya kwamuri, kana ndagura neMakedonia; nokuti ndinogura neMakedonia. 6Ɀimŋe ndicagara nemi, kunyaŋge ndipedze cando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda. 7Nokuti handiɗi kukuʋonai ɀino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndicazogara nemi ciŋguʋa, kana Ishe acinditendera. 8Asi ndicagara paEfeso kuȿikira paPentekosta. 9Nokuti ndazarurirwa mukoʋa mukuru uneɓasa guru; naʋadziʋisi ʋazhinji ʋari’po.
10Ɀino kana Timotio aciȿika, cenjerai kuti agare nemi asiŋgatyi; nokuti unoɓate‐ɓasa raShe, sendandinoita neni ʋo. 11Naiɀoɀo ŋgakurege kuʋa nomunhu unomuɀidza. Asi mumuperekedzei norugare, kuti aʋuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamŋe cete nehama. 12Ɀino kana ari Aporo, hama yeɗu, ndakakumbira kwaari ɀikuru, kuti aʋuye kwamuri pamŋe cete nedzimŋe hama; asi wakaŋga asiŋgatoŋgoɗi kuʋuya ɀino, ucaʋuya hake kana awana ŋguʋa yakanaka.
13Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai saʋarume, musimbiswe. 14Ɀose ɀamunoita ŋgaɀiitwe noruɗo.
15Ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, — munoziʋa mhuri yaStefana, kuti ndico ciɓereko cokutaŋga paAkaya, ʋakaɀiisa kuti ʋashumire ʋatȿene — 16Kuti nemi ʋo muɀiise pasi paʋakaɗaro, napasi paʋose ʋanotiɓatsira naʋanoɓata. 17Ndinofara nokuʋuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti iʋo ʋakandiitira ɀamakaŋga musiŋgagoni kuita imi. 18Nokuti ʋakazorodza mŋeya waŋgu nowenyu; naiɀoɀo kudzai ʋakaɗaro. 19Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira ʋanokukwazisai ɀikuru munaShe, pamŋe cete nekereke iri mumba maʋo. 20Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokuȿeta kutȿene.
21Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu. 22Kana munhu asiŋgaɗi Ishe, ŋgaaʋe wakatukwa. Ishe unoʋuya! 23Nyasha dzaShe Jesu ŋgadziʋe nemi. 24Ruɗo rwaŋgu ŋgaruʋe nemi mose munaKristu Jesu.

Zvasarudzwa nguva ino

I ƲaKorinte 16: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda