2 ƲaKorinte 1
1
Kwaziso.
1Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu kukereke yaMŋari iri paKorinte, pamŋe cete naʋatȿene ʋose ʋari paAkaya yose: 2Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
Kuʋoŋga kwaPauro.
3Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, iʋo Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋeŋgoni, Mŋari wokunyaradza kwose; 4iye unotinyaradza pakutambudzika kweɗu kwose, kuti isu tiʋe nesimba rokunyaradza ʋari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMŋari. 5Nokuti maɗambudziko aKristu seɀaakaʋa mazhinji kwatiri, saiɀoɀo ʋo kunyaradzwa kweɗu kwakaʋa kuzhinji naKristu. 6Ɀino kana ticitambudzika heɗu isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana ticinyaradzwa isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsuŋgirira pamaɗambudziko iwayo atinotambudzika ʋo nawo. 7Tariro yeɗu pamsoro penyu yakasimba, nokuti tinoziʋa kuti seɀamunosoŋgana nesu pamaɗambudziko, saiɀoɀo ʋo pakunyaradzwa. 8Nokuti hatiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwaɀo‐kwaɀo kukunda simba reɗu, nokuɗaro takarasha mŋoyo ticiti hatiŋgararami; 9asi pamŋoyo peɗu isu takaŋga tatoɀitoŋgera rufu, kuti tirege kuʋimba nesimba reɗu, asi naMŋari unomutaa ʋakafa; 10iye wakatisunuŋgura parufu rukuru rwakaɗai, ʋuye ucatisunuŋgura ɀe; iye watinotenda kuti ucaramba acitisunuŋgura; 11nemi ʋo muciɓatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti ʋanhu ʋazhinji ʋaʋoŋge pamsoro peɗu nokuɗa kwecipo ceɗu cenyasha catakapiwa nokunyeŋgetera kwaʋazhinji.
Kusaɀikudza kwaPauro.
12Nokuti kuɀirumbidza kweɗu ndikoku: Kupupura kwehana yeɗu, kuti takafamba panyika, ɀikuru kwamuri, noʋutȿene neɀokwaɗi yaMŋari, tisiŋgafambi noʋucenjeri bgenyama, asi nenyasha dzaMŋari. 13Nokuti hatikunyoreriyi ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo ɀamunoraʋa neɀamunotenda; ndinoti ɗai muciɀitenda kuȿikira pakuguma; 14seɀamakatitenda ʋo paneɀimŋe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semi ʋo mucaʋa kurumbidzwa kweɗu nezuʋa raShe Jesu.
Pauro wakaregerei kuenda Korinte.
15Ndiciziʋa iɀoɀi, ndakaŋga ndiciɗa kutaŋga kuʋuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwecipiri; 16ndipfuʋure nokwenyu ndicienda Makedonia, nokuʋuya nokwenyu ɀe, ndicibva Makedonia, ndiperekedzwe nemi ndicienda Judea. 17Ɀino ɀandakaŋga ndiciɗa kuita iɀoɀo, ndakaita nokushanduka mŋoyo here? Kana, ɀandinoɗa kuita ndinoɀiɗa nenyama here, kuti ini pamŋe nditi: Hoŋo, hoŋo, pamŋe: Kwete, kwete? 18NaMŋari wakatendeka, shoko reɗu kwamuri harizi hoŋo nakwete. 19Nokuti Mŋanakomana waMŋari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu — neni naSirvano naTimotio — wakaŋga asiri hoŋo nakwete, asi wakaŋga ari hoŋo maari. 20Nokuti ɀipikirwa ɀaMŋari, kunyaŋge ɀiri ɀizhinji sei, maari ndihoŋo; naiɀoɀo naiye ʋo ndiAmeni, kuti Mŋari akudzwe nesu. 21Ɀino, uyo unotisimbisa munaKristu pamŋe cete nemi, nokutizodza, ndiMŋari; 22uyo wakatiisira ʋo cisimbiso, akatipa ruɓatso rwoMŋeya mumŋoyo meɗu.
23Asi ndinoɗana Mŋari, aʋe capupu pamŋoyo waŋgu, kuti handina‐kuzoʋuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi. 24Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokuɓatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.
Zvasarudzwa nguva ino
2 ƲaKorinte 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: