Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Johane 4

4
Mŋeya waɀokwaɗi, nemŋeya yenhema.
1Ʋaɗikanwa, musatenda mŋeya yose, asi muidze mŋeya, kuti muʋone kana yakabva kunaMŋari; nokuti ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋakaɓuɗira munyika. 2Ndiɀo ɀamunoziʋa naɀo Mŋeya waMŋari: Mŋeya mumŋe nomumŋe unopupura kuti Jesu Kristu wakaʋuya munyama, ndowaMŋari. 3Mŋeya mumŋe nomumŋe usiŋgapupuri Jesu, hauzi waMŋari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unoʋuya; naɀino watoʋa panyika. 4Ʋana ʋaɗuku, imi, muri ʋaMŋari, makaʋakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika. 5Iʋo ndoʋenyika, naiɀoɀo ʋanotaura saʋenyika, nenyika inoʋanzwa. 6Isu tiri ʋaMŋari; unoziʋa Mŋari, unotinzwa; usi waMŋari, haatinzwi. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo Mŋeya waɀokwaɗi, nomŋeya wokutsauka.
Ruɗo rwose runobʋa kunaMŋari.
7Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari. 8Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo. 9Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye. 10Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu. 11Ʋaɗikanwa, kana Mŋari akatiɗa saiɀoɀo, nesu ʋo tinofanira kuɗana. 12Hakunomunhu wakamboʋona Mŋari; kana ticiɗana, Mŋari unogara matiri, noruɗo rwake runokwaniswa matiri. 13Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa ɀoMŋeya wake, 14Isu takaʋona, ʋuye tinopupura kuti Ƃaɓa ʋakatuma Mŋanakomana, kuti aʋe Muponesi wenyika. 15Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari, Mŋari unogara maari, naiye munaMŋari. 16Nesu takaziʋa, tikatenda ruɗo urwu, Mŋari rwaanarwo kwatiri. Mŋari ruɗo; unogara muruɗo, unogara munaMŋari, naMŋari maari. 17Ruɗo rwakakwaniswa matiri pacinhu ici, kuti tirege kutya nezuʋa rokutoŋgwa; nokuti seɀaakaita iye, ndiɀo ɀatakaita ʋo panyika ino. 18Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo. 19Isu tinoɗa, nokuti iye wakataŋga kutiɗa. 20Kana munhu aciti, ndinoɗa Mŋari, aciʋeŋga hama yake, mureʋi wenhema; nokuti usiŋgaɗi hama yake yaakaʋona, uŋgaɗa seiko Mŋari, waasina‐kumuʋona? 21Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoɗa Mŋari, ŋgaaɗe ʋo hama yake.

Zvasarudzwa nguva ino

I Johane 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda