1
I Johane 4:18
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
I Johane 4:4
Ʋana ʋaɗuku, imi, muri ʋaMŋari, makaʋakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika.
3
I Johane 4:19
Isu tinoɗa, nokuti iye wakataŋga kutiɗa.
4
I Johane 4:7
Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari.
5
I Johane 4:8
Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo.
6
I Johane 4:10
Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu.
7
I Johane 4:11
Ʋaɗikanwa, kana Mŋari akatiɗa saiɀoɀo, nesu ʋo tinofanira kuɗana.
8
I Johane 4:9
Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye.
9
I Johane 4:20
Kana munhu aciti, ndinoɗa Mŋari, aciʋeŋga hama yake, mureʋi wenhema; nokuti usiŋgaɗi hama yake yaakaʋona, uŋgaɗa seiko Mŋari, waasina‐kumuʋona?
10
I Johane 4:15
Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari, Mŋari unogara maari, naiye munaMŋari.
11
I Johane 4:21
Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoɗa Mŋari, ŋgaaɗe ʋo hama yake.
12
I Johane 4:1-2
Ʋaɗikanwa, musatenda mŋeya yose, asi muidze mŋeya, kuti muʋone kana yakabva kunaMŋari; nokuti ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋakaɓuɗira munyika. Ndiɀo ɀamunoziʋa naɀo Mŋeya waMŋari: Mŋeya mumŋe nomumŋe unopupura kuti Jesu Kristu wakaʋuya munyama, ndowaMŋari.
13
I Johane 4:3
Mŋeya mumŋe nomumŋe usiŋgapupuri Jesu, hauzi waMŋari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unoʋuya; naɀino watoʋa panyika.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo