1 Johani 4:1-2
1 Johani 4:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari
1 Johani 4:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadikanwi, musatenda mweya yose, asi muedze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari; Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama, ndowaMwari.
1 Johani 4:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadikanwi regai kungotenda mweya wose wose, asi edzai mweya iyoyo muone kuti inobva kuna Mwari here nokuti vaporofita venhema vazhinji vapararira nenyika. Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi: Mweya wose unopupura kuti, Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari.
1 Johani 4:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaɗikanwa, musatenda mŋeya yose, asi muidze mŋeya, kuti muʋone kana yakabva kunaMŋari; nokuti ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋakaɓuɗira munyika. Ndiɀo ɀamunoziʋa naɀo Mŋeya waMŋari: Mŋeya mumŋe nomumŋe unopupura kuti Jesu Kristu wakaʋuya munyama, ndowaMŋari.
1 Johani 4:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)