1
I Johane 3:18
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaɗuku, ŋgatirege kuɗa neshoko kana norurimi, asi neɓasa neɀokwaɗi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
I Johane 3:16
Ndoɀatinoziʋa ruɗo naɀo, kuti wakatipa ʋupenyu bgake; nesu ʋo tinofanira kupa hama ʋupenyu bgeɗu.
3
I Johane 3:1
Tarirai kukura kworuɗo rwatakaitirwa naƂaɓa, kuti tinzi ʋana ʋaMŋari; ndiɀo ɀatiri ʋo; saka nyika haitiziʋi, nokuti haina‐kumuziʋa iye.
4
I Johane 3:8
Uyo, unoita ɀiʋi, ndowaDiaborosi, nokuti Diaborosi unoita ɀiʋi kubva pakutaŋga. Mŋanakomana waMŋari wakaʋoneswa nemhaka iyi kuti aparadze maɓasa aDiaborosi.
5
I Johane 3:9
Mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita ɀiʋi, nokuti wakaɓerekwa naMŋari.
6
I Johane 3:17
Asi kana munhu anefuma yenyika, akaʋona hama yake icishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, ruɗo rwaMŋari runogara seiko maari?
7
I Johane 3:24
Unoceŋgeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti unogara matiri, noMŋeya waakatipa.
8
I Johane 3:10
Ʋana ʋaMŋari ʋanoʋoneswa naiɀoɀi, naʋana ʋaDiaborosi; mumŋe nomumŋe usiŋgaiti ɀakarurama, haazi waMŋari, naiye ʋo usiŋgaɗi hama yake.
9
I Johane 3:11
Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutaŋga, kuti tiɗane
10
I Johane 3:13
Musashamiswa, hama dzaŋgu, kana nyika icikuʋeŋgai.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo