II Makoronike 23
23
Ataria unoʋurawa, Joashi ndokugadzwa paʋushe.
1Ɀino negore recinomŋe Jehoyada wakaɀisimbisa, akaita suŋgano naʋakuru ʋamazana, ʋaiti: Azaria mŋanakomana waJerohami, naIshmaeri mŋanakomana waJehohanani, naAzaria mŋanakomana waObedi, naMaaseya mŋanakomana waAdaya, naErishafati mŋanakomana waZikri. 2Ʋakapota nenyika yaJuda, ʋakakokera ʋaRevi ʋapamaguta ose aJuda, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aIsraeri, ʋakaȿika Jerusarema. 3Ʋuŋgano yose ikaita suŋgano namambo mumba maMŋari. Iye akati kwaʋari: Tarirai, mŋanakomana wamambo ucaɓata ʋushe, seɀakarebga naJehova pamsoro paʋanakomana ʋaDavidi. 4Munofanira kuita kuɗai: Imi ʋanopinda nesaɓata, cetatu cenyu caʋaprista naʋaRevi, munofanira kuʋa ʋarindi ʋemikoʋa; 5cimŋe cetatu cinofanira kuʋa paimba yamambo, necimŋe cetatu pasuʋo renheyo; naʋanhu ʋose ʋanofanira kuʋa paʋazhe dzeimba yaJehova. 6Asi ŋgakurege kuʋa nomunhu mumŋe unopinda mumba maJehova, asi ʋaprista naʋaRevi ʋanoɓata’mo; iʋo ŋgaʋapinde nokuti ʋatȿene; asi ʋanhu ʋose ʋanofanira kurinda imba yaJehova. 7ƲaRevi ʋanofanira kukomba mambo, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake; aninani unopinda paimba, unofanira kuʋurawa; mugare namambo kana acipinda ʋuye kana aciɓuɗa. 8Naiɀoɀo ʋaRevi naʋaJuda ʋose ʋakaita ɀose ɀaʋakarairwa nomuprista Jehoyada; mumŋe nomumŋe akatora ʋanhu ʋake, iʋo ʋaifanira kupinda nesaɓata naiʋo ʋaifanira kuɓuɗa nesaɓata; nokuti muprista Jehoyada haana‐kutendera mapoka kuenda. 9Muprista Jehoyada akapa ʋakuru ʋamazana mapfumo, nenhoʋo, nenhoʋo ɗuku, ɀaiʋa ɀamambo Davidi, ɀakaŋga ɀiri mumba maMŋari. 10Akaroŋgedza ʋanhu ʋose, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake, kubva kurutiʋi rworudyi rweimba kuȿikira kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba, napaartari neimba, ʋakakomba mambo. 11Ipapo ʋakaɓuɗisa mŋanakomana wamambo, ʋakamudzika korona, ʋakamupa cipupuriro, ʋakamuita mambo; Jehoyada naʋanakomana ʋake ʋakamuzodza; ʋakati: Mambo ŋgaararame! 12Ɀino Ataria wakati acinzwa mhere‐mhere yaʋanhu ʋakaŋga ʋacimhanya nokurumbidza mambo, akapinda kuʋanhu mumba maJehova; 13akatarira, akaʋona mambo amire pambiru yake paʋaipinda napo, naʋakuru naʋanehwamanda ʋamire kunamambo; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, ʋakaridza hwamanda; ʋaimbi ʋo ʋakaridza ɀokuridza naɀo, ʋakaraira ʋairumbidza nokuimba kwaʋo. Ipapo Ataria akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Ndamukirwa, ndamukirwa! 14Muprista Jehoyada akaɓuɗisa ʋakuru ʋamazana ʋairaira hondo, akati kwaʋari: Muɓuɗisei pakati pemisara yaʋanhu; aninani unomuteʋera iye, ŋgaaʋurawe nomunondo; nokuti muprista wakati: Regai kumuʋuraya mumba maJehova. 15Naiɀoɀo ʋakamudziʋurira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabiza nayo kumba kwamambo, ʋakamuʋurayira’po.
16Ipapo Jehoyada akaita suŋgano, iye naʋanhu ʋose namambo, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋaJehova. 17Ʋanhu ʋose ʋakaenda kumba kwaBaari, ʋakaiputsa; ʋakaputsanya artari dzake nemifananidzo yake, ʋakaʋuraya Matani muprista waBaari pamberi peartari. 18Jehoyada akaraira maɓasa eimba yaJehova kuti atarirwe naʋaprista ʋaRevi, ʋakaŋga ʋaroŋgedzwa naDavidi mumba maJehova, kuti ʋapisire Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, seɀakanyorwa pamurairo waMosesi, nomufaro nokuimba, seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi. 19Akagadza ʋo ʋatariri pamasuʋo eimba yaJehova, kuti parege kupinda munhu wakaȿiɓiswa necinhu cipi necipi. 20Akaenda naʋakuru ʋamazana, naʋaikudzwa, naʋaɓati ʋaʋanhu, naʋanhu ʋose ʋenyika, ʋakaɓurusa mambo paimba yaJehova, ʋakapinda mumba mamambo napasuʋo rokumsoro, ʋakagadza mambo pacigaro coʋushe. 21Naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, guta rikanyarara; asi Ataria ʋakaŋga ʋamuʋuraya nomunondo.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 23: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018