II Makoronike 29
29
Hezekia mambo waJuda unonatsa tembere.
1Hezekia wakataŋga kuɓata ʋushe aȿika makore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Abija mukunda waZekaria. 2Akaita ɀakarurama pamberi paJehova seɀose ɀakaita ɓaɓa ʋake Davidi. 3Pagore rokutaŋga rokuɓata kwake ʋushe, nomŋedzi wokutaŋga, akazarura mikoʋa yeimba yaJehova, akaigadzira. 4Akapinza ʋaprista naʋaRevi, akaʋaʋuŋganidza paɗare pamabvazuʋa, 5akati kwaʋari: Cindinzwai, imi ʋaRevi; ciɀinatsai ɀino, munatse ʋo imba yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu; mutakurire kunze tȿina yose iri munɀimbo tȿene. 6Nokuti madziɓaɓa eɗu akaɗarika, ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari weɗu, ʋakamusiya, ʋakarega kutarira kuʋugaro bgaJehova, ndokumufuratira. 7Ʋakapfiga ʋo mikoʋa yeɓiraʋira, nokudzima mŋenje; haʋana‐kupisira ɀinonhuwira, kana kuɓayira Mŋari waIsraeri ɀipiriso ɀinopiswa panɀimbo tȿene. 8Saka Jehova wakatsamŋira ʋaJuda neJerusarema, akaʋaita cityiso necishamiso, cinoridzirwa muridzo, seɀamunoʋona nameso enyu. 9Nokuti tarirai, madziɓaɓa eɗu akaparadzwa nomunondo; ʋanakomana ʋeɗu naʋanasikana ʋeɗu naʋakadzi ʋeɗu ʋakatapxa nokuɗa kwaiɀoɀi. 10Ɀino mŋoyo waŋgu unoɗa kuita suŋgano naJehova Mŋari waIsraeri, kuti kutsamŋa kwake kukuru kubviswe kwatiri. 11Ʋanakomana ʋaŋgu, regai kuʋa ʋanhu ʋasinehanya ɀino, nokuti Jehova wakakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumuɓatirei, nokuʋa ʋaɓatiri ʋake, nokumupisira ɀinonhuwira.
12Ipapo ʋaRevi ʋakasimuka, Mahati mŋanakomana waAmasai, naJoeri mŋanakomana waAzaria pakati paʋanakomana ʋaʋaKohati; napakati paʋanakomana ʋaMerari, Kishi mŋanakomana waAbdi, naAzaria mŋanakomana waJeharereri; napakati paʋaGershoni, Joa mŋanakomana waZimma, naEdeni mŋanakomana waJoa; 13napakati paʋanakomana ʋaErizafani, Shimri naJeueri; napakati paʋanakomana ʋaAsafi, Zekaria naMatania; 14napakati paʋanakomana ʋaHemani, Jehueri naShimei; napakati paʋanakomana ʋaJedutuni, Shemaya naUzieri. 15Iʋo ʋakaʋuŋganidza hama dzaʋo, ʋakaɀinatsa, ʋakapinda seɀaʋakarairwa namambo namashoko aJehova, kuti ʋanatse imba yaJehova. 16Ʋaprista ʋakapinda mukati meimba yaJehova, kuti ʋainatse, ʋakaɓuɗisa marara ose aʋakawana mutembere yaJehova kuruʋazhe rweimba yaJehova. ƲaRevi ʋakaatora, ndokuatakurira kunze kurukoʋa Kidroni. 17Ʋakataŋga kunatsa nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wokutaŋga, ʋakaȿika paɓiraʋira raJehova nezuʋa rorusere romŋedzi; ʋakanatsa imba yaJehova namazuʋa masere; ʋakapedzisa nezuʋa regumi namatanhatu romŋedzi wokutaŋga. 18Ipapo ʋakapinda kunamambo Hezekia mukati meimba yamambo, ʋakati: Tanatsa imba yose yaJehova, neartari yeɀipiriso ɀinopiswa, nenhumbi dzayo dzose, netafura yeɀiŋgwa ɀokuratidza, nenhumbi dzayo dzose. 19Ʋuye nhumbi dzose dzakarashwa namambo Ahazi pakuɗarika kwake ŋguʋa yaakaɓata ʋushe, tadzigadzira nokudzinatsa; tarirai, dziri pamberi peartari yaJehova.
20Ɀino mambo Hezekia akamuka maŋgwanani, akaʋuŋganidza macinda eguta, akaenda kumba kwaJehova. 21Ʋakaʋuya nenzombe nomŋe, namakondobge manomŋe, namakwaiana manomŋe, nenhoŋgo dzembudzi nomŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi coʋushe neimba tȿene naʋaJuda. Akaraira ʋaprista iʋo ʋanakomana ʋaAroni, kuti ʋaɀiɓayire paartari yaJehova. 22Ipapo ʋakaʋuraya nzombe, ʋaprista ʋakaciŋga ropa, ndokurisasa paartari; ʋakaʋuraya makondobge, ʋakasasa ropa paartari; ʋakaʋuraya ʋo makwaiana, ʋakasasa ropa paartari. 23Ʋakasweɗedza ʋo nhoŋgo dzembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi pamberi pamambo neʋuŋgano, ʋakaisa maʋoko aʋo pamsoro padzo; 24ʋaprista ʋakadziʋuraya, ʋakaita cipiriso ceɀiʋi neropa radzo paartari, kuti ʋayananisire ʋaIsraeri ʋose; nokuti mambo wakaraira kuti ʋaIsraeri ʋose ʋapisirwe cipiriso cinopiswa necipiriso ceɀiʋi. 25Akaisa ʋaRevi mumba maJehova, ʋanamakandira, nemiteŋgeranwa, nembira, seɀaʋakarairwa naDavidi, ʋuye nomuʋoni wamambo Gad, ʋuye nomuprofita Natania; nokuti wakaŋga ari Jehova wakaraira naʋaprofita ʋake. 26ƲaRevi ʋakamira neɀokuridza ɀaDavidi, naʋaprista ʋanehwamanda. 27Hezekia akaraira kuti ʋaɓayire cipiriso cinopiswa paartari. Ɀino cipiriso cinopiswa cakati cicitaŋga kupiswa, rwiyo rwaJehova ndokutaŋga ʋo, ʋuye hwamanda pamŋe cete neɀokuridza ɀaDavidi mambo waIsraeri. 28Ʋuŋgano yose ndokunamata, ʋaimbi ʋakaimba, naʋaridzi ʋehwamanda ʋakaridza; iɀoɀi ɀose ɀikaramba ɀiciitwa kuȿikira cipiriso cinopiswa capera. 29Ɀino ʋakati ʋapedza kupisira, mambo naʋose ʋakaŋga ʋari’po naye ʋakakotamira pasi, ʋakanamata. 30Mambo Hezekia namacinda ʋakaraira ʋo ʋaRevi kuimbira Jehova ʋacimukudza namashoko aDavidi nomuʋoni Asafi. Ʋakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, ʋakakotamisa misoro yaʋo ʋakanamata. 31Ipapo Hezekia akapindura, akati: Ɀino ɀamaɀitsaurira Jehova, sweɗerai muʋuye neɀiɓayiro neɀipiriso ɀokuʋoŋga naɀo mumba maJehova. Ʋuŋgano ndokuʋuya neɀiɓayiro neɀipiriso ɀokuʋoŋga; ʋose, ʋakaŋga ʋanomŋoyo unoɗa, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa. 32Ɀipiriso ɀinopiswa, ɀakaʋuyiswa neʋuŋgano, ɀakaȿika nzombe dzinamakumi manomŋe, namakondobge anezana, namakwaiana anamazana maʋiri pakuwanda kwaɀo; iɀi ɀose cakaŋga ciri cipiriso cokupisira Jehova. 33Ɀinhu ɀakatsaurirwa Jehova ɀakaȿika nzombe dzinamazana matanhatu, namakwai aneɀuru ɀitatu. 34Asi ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgariŋgani, ʋakakoniwa kuviya ɀipiriso ɀose ɀinopiswa; saka ʋaRevi hama dzaʋo, ʋakaʋaɓatsira, kuȿikira ɓasa rapera, ʋuye kuȿikira ʋaprista ʋaɀinatsa; nokuti mŋoyo yaʋaRevi yakaŋga yakarurama pakuɀinatsa kupfuʋura ʋaprista. 35Ɀipiriso ɀinopiswa ɀakaŋga ɀakawanda ʋo kwaɀo, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa, neɀipiriso ɀaiɗururwa ɀecipiriso cimŋe necimŋe caipiswa. Naiɀoɀo ɓasa reimba yaJehova rakagadzirwa. 36Ipapo Hezekia akafara, naʋanhu ʋose, nokuɗa kweɀose ɀakaŋga ɀagadzirirwa ʋanhu naMŋari; nokuti cinhu ici cakaitwa nokucimbidzika.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 29: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018