Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 13

13
1Iyi iŋguʋa yecitatu, yandinoʋuya kwamuri. Mumiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu mashoko ose acasimbiswa. 2Aʋo, ʋatotadza, naʋamŋe ʋose, ndamboʋaʋudza, ɀino ndoʋaʋudza ɀe, seɀandakaita parwendo rwecipiri, — nokuɗaro ɀino ndinonyora ndisi’po — kuti kana ndiciȿika ɀe, handiŋgaʋaitiri mŋoyo murefu; 3ɀamunotȿaka ciratidzo caKristu, unotaura mandiri, iye usiŋgashaiwi simba kwamuri, asi unesimba mamuri. 4Nokuti wakaroʋerwa pamucinjikwa nokushaiwa simba, asi unorarama nesimba raMŋari. Nokuti nesu ʋo tinoshaiwa simba maari, asi ticararama kwamuri pamŋe cete naye nesimba raMŋari. 5Ɀiidzei imi mumene, muʋone kana muri pakutenda; muɀinɀerei imi mumene. Hamuziʋi here imi mumene kuti Jesu Kristu uri mukati menyu? Kana ɀimŋe maʋa ʋakarashwa henyu. 6Asi ndinoti mucaziʋa henyu kuti isu hatina‐kuʋa ʋakarashwa. 7Ɀino tinonyeŋgetera Mŋari kuti murege kuita cinhu cimŋe cakaipa; handiɗaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite ɀakarurama, kunyaŋge isu takaita saʋakarashwa. 8Nokuti hatigoni kuita cinhu cinopesana neɀokwaɗi, asi cinoɓatsira ɀokwaɗi. 9Nokuti tinofara kana isu ticishaiwa simba, imi muciʋa nesimba; ndiɀo ɀatinokumbira ʋo, kuti mukwaniswe. 10Saka ndinonyora iɀi ndisi’po, kuti kana ndaʋa’po, ndirege kuita nehasha, seɀandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.
Mashoko okupedzisira.
11Pakupedzisira, hama dzaŋgu, farai, mukwaniswe, munyaradzwe, iʋai nomŋoyo mumŋe, garai norugare; Mŋari woruɗo norugare ucaʋa nemi. 12Kwazisanai nokuȿeta kutȿene.
13Ʋatȿene ʋose ʋanokukwazisai.
14Nyasha dzaShe Jesu Kristu, noruɗo rwaMŋari, nokuyanana kwoMŋeya Mutȿene, ŋgaɀiʋe nemi mose.

Zvasarudzwa nguva ino

2 ƲaKorinte 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda