Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Timotio 4

4
Timotio ŋgaatsuŋgirire pakuparidza.
1Ndinokupupurira kwaɀo pamberi paMŋari, naKristu Jesu, iye ucatoŋga ʋapenyu naʋakafa pakuʋonekwa kwake noʋushe bgake; 2paridza shoko; ramba uciɗaro neŋguʋa yakafanira, kunyaŋge isakafanira; raira, tuka, raŋga nomŋoyo murefu ɀikuru nokudzidzisa. 3Nokuti ŋguʋa icaȿika yaʋacaramba kutendera dzidziso yakarurama, asi, ʋaciɗa kufadzwa panzeʋe dzaʋo, ʋacaɀiʋuŋganidzira ʋadzidzisi pakuciʋa kwaʋo, 4ʋacifuratidza nzeʋe dzaʋo paɀokwaɗi, ʋacitsaukira kuŋgano. 5Asi iwe ȿinura paɀinhu ɀose, tambudzika, ɓata ɓasa romuevaŋgeri, upedzise ɓasa rako kwaɀo. 6Nokuti ini ndotoɗururwa, ŋguʋa yokuenda kwaŋgu yaȿika. 7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwaŋgu, ndakaceŋgeta kutenda; 8Kubva ɀino ndakaceŋgeterwa korona yokururama, yandicapiwa naShe, Mutoŋgi wakarurama, nezuʋa irero; ndisini ndoga, asi naʋose ʋakaɗa kusinehanya kwake.
Mashoko okupedzisira.
9Shiŋgaira kuti ukurumidze kuʋuya kwandiri. 10Nokuti Demasi wakandisiya, akaɗa nyika yaɀino, akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Darmatia. 11Ruka oga uneni. Tora Marko uʋuye naye, nokuti unondiɓatsira kwaɀo paɓasa. 12Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. 13Ŋguʋo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uʋuye nayo pakuʋuya kwako, nebuku, ɀikuru magwaro amatebge. 14Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira ɀakaipa ɀizhinji; Ishe ucamutsiʋa paakaita napo; 15newe ʋo umucenjere, nokuti wakadziʋisa ɀikuru mashoko eɗu. 16Pakuɀiɗaʋirira kwaŋgu kwokutaŋga kwakaŋga kusinomunhu wakandiɓatsira, asi ʋose ʋakandisiya. Ŋgaʋarege kuraʋirwa iɀoɀi. 17Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwaɀo kuparidza kwaŋgu, ʋahedeni ʋose ʋanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba. 18Ishe ucandirwira pamaɓasa ose akaipa, ucandiponesa ndipinde ʋushe bgake bgokuɗeŋga; kubginya ŋgakuʋe kwaari nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
19 Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo. 20Erasto wakasara paKorinte, asi Trofimo ndakamusiya paMireto acirwara. 21Shiŋgaira kuʋuya, cando cisati caȿika. Yuburo, naPude, naRina, naKraudia nehama dzose ʋanokukwazisa. 22Ishe ŋgaaʋe nomŋeya wako. Nyasha ŋgadziʋe nemi.

Zvasarudzwa nguva ino

II Timotio 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda