Tito 1
1
Kwaziso.
1Pauro, muranda waMŋari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuɗa kwokutenda kwaʋakasanaŋgurwa ʋaMŋari, nokwokuziʋisa ɀokwaɗi iri pakunamata Mŋari, 2patariro yoʋupenyu bgusiŋgaperi, bgaakapikira iye Mŋari, usiŋgatoŋgoreʋi nhema, ŋguʋa dzisiŋgaperi dzisati dzaʋa’po, 3asi paŋguʋa dzaɀo wakaziʋisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMŋari, Muponesi weɗu; 4kunaTito, mŋana waŋgu caiye pakutenda kweɗu tose: Nyasha norugare, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, naKristu Jesu, Muponesi weɗu, ŋgaɀiʋe newe.
Ƃasa raTito paKrete.
5Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira iɀo ɀakaŋga ɀasara, nokugadza ʋakuru mumaguta ose, seɀandakakuraira; 6kana kunomunhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, unaʋana ʋanotenda, ʋasiŋgapiwi mhoȿa yokuti haʋaɀidzori, kana kuti haʋatereri. 7Nokuti mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, somuceŋgeti weimba yaMŋari; asiŋgaiti kuɗa kwake, asiŋgakurumidzi kutsamŋa, asiŋgaɗi waini, asiŋgarwi, asiŋgakariri fuma yakaipa; 8asi unoitira ʋaeni ruɗo, unoɗa ɀakanaka, wakacenjera, wakarurama, mutsene, unoɀidzora; 9unoɓatisisa shoko raɀokwaɗi, seɀarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda ʋanokakaʋara.
Ʋadzidzisi ʋenhema.
10Nokuti ʋazhinji ʋari’po ʋasiŋgatereri, ʋanotaura ɀisinamaturo, ʋanonyeŋgera, ɀikuru aʋo ʋokudziŋgiswa, 11ʋanofanira kudziʋirirwa miromo yaʋo; ʋanoparadza mhuri kwaɀo, ɀaʋanodzidzisa ɀisakafanira nokuɗa kwefuma yakaipa. 12Mumŋe waʋo, muprofita wokwaʋo, wakati: ƲaKrete ʋanogara ʋacireʋa nhema, ɀikara ɀakaipa, naʋanokara ʋanoʋusimbe. 13Kupupura uku ndokwaɀokwaɗi. Nemhaka iyi uʋaraŋge ɀikuru, kuti ʋarurame pakutenda, 14ʋarege kuterera ŋgano dzaʋaJuda, nemirairo yaʋanhu ʋanofuratira ɀokwaɗi. 15Kunaʋakacena ɀose ɀakacena; asi kunaʋakaȿiɓiswa, ʋasiŋgatendi, hakunecinhu cakacena, asi kufuŋga kwaʋo nehana yaʋo ɀakaȿiɓiswa. 16Ʋanoti, tinoziʋa Mŋari, asi ʋanomuramba namaɓasa aʋo, ɀaʋari ʋanhu ʋanonyaŋgadza, ʋasiŋgatereri, ʋasakafanira pamaɓasa ose akanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Tito 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018