Maɓasa Aʋaapostora 15
15
Ʋuŋgano paJerusarema pamsoro pokudziŋgiswa nokuceŋgeta murairo waMosesi.
1Ɀino ʋamŋe ʋakaɓuruka Judea, ʋakadzidzisa hama, ʋaciti: Kana musiŋgadziŋgiswi netsika yaMosesi, hamuŋgaponeswi. 2Asi Pauro naBarnabasi ʋakapesana kwaɀo naʋo, nokuita nharo naʋo, ʋakazotenderana kuti Pauro naBarnabasi naʋamŋe ʋaʋo ʋakwire Jerusarema kuʋaapostora naʋakuru pamsoro peshoko iri. 3Naiɀoɀo ʋakaperekedzwa nekereke, ʋakagura neFenike neSamaria, ʋakataura ɀokutendeʋuka kwaʋahedeni; ʋakafadza ɀikuru hama dzose. 4Ɀino ʋakati ʋaȿika Jerusarema, ʋakagamucirwa nekereke, naʋaapostora, naʋakuru; ʋakarondedzera ɀose ɀakaitwa naMŋari naʋo. 5Asi ʋamŋe ʋedzidziso yaʋaFarise, ʋaitenda, ʋakasimuka, ʋakati, ʋanofanira kudziŋgiswa nokurairwa kuti ʋaceŋgete murairo waMosesi.
6Ipapo ʋaapostora naʋakuru ʋakaʋuŋgana kuti ʋaraŋgane pamsoro peshoko iri. 7Ɀino, nharo huru dzakati dzaʋa’po, Petro akasimuka akati kwaʋari:
Ʋarume, hama, munoziʋa kuti kubva pamazuʋa akare Mŋari wakandisanaŋgura pakati penyu, kuti ʋahedeni ʋanzwe shoko reEvaŋgeri nomuromo waŋgu, ʋatende. 8Ɀino Mŋari, muziʋi womŋoyo, wakaʋapupurira, akaʋapa Mŋeya Mutȿene sesu; 9haanakutsaura pakati peɗu naʋo, ɀaakanatsa mŋoyo yaʋo nokutenda. 10Naiɀoɀo ɀino, munoidzireiko Mŋari, muciisa pamitsipa yaʋadzidzi joko, rakaŋga risiŋgagoni kutakurwa namadziɓaɓa eɗu kunyaŋge nesu? 11Asi tinotenda kuti isu ticaponeswa nenyasha dzaShe Jesu nomutoʋo mumŋe naʋo.
12Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakaramba ʋanyerere, ʋakaterera ʋanaBarnabasi naPauro ʋacirondedzera ɀiratidzo neɀishamiso, ɀakaitwa naMŋari naʋo pakati paʋahedeni. 13Ɀino ʋakati ʋanyarara, Jakobo akapindura, akati:
Ʋarume, hama, nditererei. 14Simeoni wakarondedzera mutaŋgire waMŋari kumutsa ʋahedeni, kuti atore kwaʋari ʋanhu ʋezita rake. 15Namashoko aʋaprofita anobvumira iɀoɀi; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
16Shure kwaiɀoɀi ndicadzoka,
Ndiʋake tabernakeri yaDavidi, yakawa;
Ndicaʋaka ɀe matoŋgo ayo,
Ndiciimutsa;
17Kuti ʋakasara kuʋanhu ʋatȿake Ishe,
Naʋahedeni ʋose ʋakaɗanwa nezita raŋgu,
18Ndiɀo ɀinotaura Ishe, unoziʋisa iɀoɀi ɀose kubva pakutaŋga kwenyika.
19Naiɀoɀi ini ndinoti, ŋgatirege kugumbusa aʋo pakati paʋahedeni ʋakatendeʋukira kunaMŋari; 20asi tiʋanyorere kuti ʋarege ɀakashatiswa neɀifananidzo, noʋupombge, neɀakadzipxa, neropa. 21Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, waiʋa naʋanomuparidza paguta rimŋe nerimŋe, acirabga mumasinagoge saɓata rimŋe nerimŋe.
22Ipapo ʋaapostora, naʋakuru, nekereke yose, ʋakati ɀakanaka kuti ʋasanaŋgure ʋarume pakati paʋo, ʋaʋatumire Antiokia pamŋe cete naPauro naBarnabasi, ʋaiti: Judasi, wainzi Barsabasi, naSirasi, ʋakuru pakati pehama. 23Ʋakanyora ŋwadi, ʋakaituma naʋo, yaiti: Ʋaapostora naʋakuru pahama, kuhama dzokuʋahedeni paAntiokia, napaSiria, napaKirikia: Mufaro! 24Ɀatakanzwa, kuti ʋamŋe ʋakabva kwatiri, ʋatisina‐kuraira, ʋakakukaŋganisai namashoko, ʋacidziyanisa mŋeya yenyu, 25takati nomŋoyo mumŋe ɀakanaka kuti tisanaŋgure ʋarume, tiʋatumire kwamuri, pamŋe cete naBarnabasi naPauro, ʋaɗikanwa ʋeɗu; 26ʋanhu ʋakaɀidza ʋupenyu bgaʋo nokuɗa kwezita raShe weɗu, Jesu Kristu. 27Ɀino tatuma Judasi naSirasi, iʋo ʋanozokuʋudzai ʋamene iɀoɀi nomuromo. 28Nokuti Mŋeya Mutȿene nesu takati ɀakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kuneɀinhu iɀi ɀakafanira, 29ɀinoti: Regai ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, neropa, neɀakadzipxa, noʋupombge; kana mukaɀidzora paɀiri, mucaita ɀakanaka. Sarai ɀakanaka.
30Ɀino ʋakati ʋaendiswa, ʋakaɓurukira Antiokia; ʋakaʋuŋganidza ʋanhu ʋazhinji, ʋakaʋapa ŋwadi. 31Iʋo ʋakati ʋairaʋa, ʋakafara ɀikuru pamsoro pokuʋaraidzwa. 32Judasi naSirasi, ʋaiʋa ʋaprofita ʋamene, ʋakaʋaraidza hama namashoko mazhinji, nokuʋasimbisa. 33Ʋakati ʋagara’ko ŋguʋa, ʋakaendiswa nehama nomufaro, ʋakaenda kunaʋakaŋga ʋaʋatuma. 34[Asi Sirasi wakati ɀakanaka kusara’po.] 35Pauro naBarnabasi ʋakagara Antiokia, ʋacidzidzisa nokuparidza shoko raShe, naʋamŋe ʋazhinji ʋo.
Pauro naBarnabasi ʋanoparadzana. Rwendo rwecipiri rwaPauro.
36Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, Pauro akati kunaBarnabasi: Ŋgatidzoke ɀe tindoshanyira hama muguta rimŋe nerimŋe matakaparidza shoko raShe, tiʋone kuti ʋakaɗini. 37Ɀino Barnabasi wakaŋga aciɗa kutora Johane ʋo, wainzi Marko; 38asi Pauro wakati haɀina‐kunaka kumutora iye, wakamboʋasiya paPamfiria, akasaenda naʋo kuɓasa. 39Ipapo kutsamŋirana kukaʋa’po, nokuɗaro ʋakaparadzana, Barnabasi akatora Marko, akaenda Kupro necikepe; 40asi Pauro wakasanaŋgura Sirasi; akaenda, akaiswa nehama panyasha dzaShe; 41akagura neSiria neKirikia, acisimbisa kereke.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: