Maɓasa Aʋaapostora 16
16
1Akaȿika ʋo paDerbe neRistra. Ɀino ipapo paiʋa nomumŋe mudzidzi, wainzi Timotio, mŋanakomana womukadzi mutendi, waiʋa muJuda; asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa muGiriki. 2Iye waipupurirwa ɀakanaka nehama dzapaRistra neIkonio. 3Pauro akaɗa kuti aende naye, akamutora, akamudziŋgisa nokuɗa kwaʋaJuda ʋaiʋa kunɀimbo idzo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti ɓaɓa ʋake muGiriki. 4Ʋakafamba namaguta, ʋakaʋapa ɀireʋo ɀakatemŋa naʋaapostora naʋakuru ʋapaJerusarema, kuti ʋaɀiceŋgete. 5Naiɀoɀo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuʋereŋgwa kwadzo zuʋa rimŋe nerimŋe.
6Ʋakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, ʋambodziʋiswa noMŋeya Mutȿene kuparidza shoko paAsia. 7Ɀino ʋakati ʋaȿika pakatarisana neMisia, ʋakaidza kuenda Bitinia, asi Mŋeya waJesu haana‐kuʋatendera. 8Ʋakati ʋapfuʋura Misia, ʋakaɓurukira Troa. 9Ciratidzo cikaʋonekwa naPauro ʋusiku; murume weMakedonia wakaŋga amire, akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Yambukira Makedonia, utiɓatsire. 10Ɀino wakati aʋona ciratidzo, pakarepo tikatȿaka kuenda Makedonia, ticiti, Mŋari watiɗana kuti tindoʋaparidzira Evaŋgeri.
Pauro naSirasi paFiripi.
11Naiɀoɀo takabva Troa necikepe, tikaruramira Samotrake; fume maŋgwana tikaȿika Neapori; 12tikabva’po, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedonia, raiʋa koroni yeRoma; tikagara mamŋe mazuʋa muguta iro. 13Nezuʋa resaɓata tikaɓuɗa kunze kwesuʋo kurwizi, pataiti ʋaneŋge ʋanonyeŋgetera’po; tikagara pasi, tikaparidzira ʋakadzi ʋakaŋga ʋaʋuŋgana’po. 14Ɀino mumŋe mukadzi, wainzi Ridia, muteŋgesi weŋguʋo tȿuku, womusha weTiatira, wainamata Mŋari, akatinzwa; Ishe akazarura mŋoyo wake, kuti aterere ɀaitaurwa naPauro. 15Wakati abapatidzwa, iye naʋeimba yake, akakumbira ɀikuru, aciti: Kana muciti ndakatenda kunaShe, pindai mumba maŋgu mugare. Akatitendisa.
16Ɀino takati ticipinda panɀimbo yokunyeŋgetera, tikasoŋgana nomumŋe musikana waiʋa nomŋeya wokuʋuka, waiwanira ʋatenzi ʋake mari zhinji nokuʋuka kwake. 17Iye akateʋera Pauro nesu, akaɗanidzira, aciti: Ʋanhu aʋa ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ʋanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo. 18Akaita iɀoɀo mazuʋa mazhinji. Ɀino Pauro akafa neshuŋgu, akatendeʋuka, akati kumŋeya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti uɓuɗe kwaari. Ukaɓuɗa neŋguʋa iyeyo.
19Ɀino ʋatenzi ʋake ʋakati ʋaciʋona kuti tariro yokufumiswa kwaʋo yaenda, ʋakaɓata Pauro naSirasi, ʋakaʋakakatira kuɗare pamberi paʋaɓati, 20ʋakaenda naʋo kuʋatoŋgi, ʋakati: Ʋanhu aʋa ʋaJuda, ʋanopesanisa guta reɗu, 21ʋaciparidza tsika. dzatisinakutenderwa kugamucira, kana kuita, isu ʋaRoma. 22Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋamukira ʋose, ʋatoŋgi ʋakaʋabvarurira ŋguʋo dzaʋo, ʋakaraira kuti ʋarobge neshamhu. 23Ɀino ʋakati ʋaʋaroʋa ɀikuru, ʋakaʋaisa mutoroŋgo, ʋakaraira murindi wetoroŋgo kuti aʋaceŋgete kwaɀo. 24Iye akati arairwa kuɗaro, akaʋaisa mutoroŋgo yomukati, akasuŋga makumbo aʋo mumatanda. 25Ɀino paneŋge pakati poʋusiku, Pauro naSirasi ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera nokuimbira Mŋari nziyo; ʋakaŋga ʋakasuŋgwa ʋakaʋaterera. 26Pakarepo kuɗeŋgenyeka kwenyika kukuru kukaʋa’po, naiɀoɀo nheyo dzeimba dzikazunuŋguswa; pakarepo mikoʋa yose yeimba ikazarurwa, nemisuŋgo yaʋose ikasunuŋguka. 27Ipapo murindi wetoroŋgo akapepuka, ndokuʋona mikoʋa yetoroŋgo yakazaruka, akavomora munondo wake, akaɗa kuɀiʋuraya, aciti ʋasuŋgwa ʋatiza. 28Ipapo Pauro akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Usaɀikuʋadza, nokuti tiri muno tose. 29Ɀino wakati akumbira mŋenje, akamhanyira’mo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, acibvunda; 30akaʋaɓuɗisira kunze, akati: Ʋatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? 31Ʋakati: Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako. 32Ʋakaparidza shoko raMŋari kwaari naʋose ʋaiʋa mumba make. 33Akaʋatora neŋguʋa iyeyo yoʋusiku, akakupa maʋaŋga aʋo, ndokubapatidzwa pakarepo, iye naʋose ʋake. 34Akaenda naʋo mumba make, ndokuisa ɀokudya pamberi paʋo, akafara ɀikuru, iye nemhuri yake yose, acitenda kunaMŋari.
35Ɀino kwakati kwaedza, ʋatoŋgi ʋakatuma mapurisa, ʋaciti: Sunuŋgurai ʋanhu ʋaya. 36Murindi wetoroŋgo akaʋudza Pauro mashoko iwayo, aciti: Ʋatoŋgi ʋatuma shoko kuti musunuŋgurwe; naiɀoɀo ɓuɗai henyu ɀino, muende norugare. 37Asi Pauro wakati kwaʋari: Ʋakatiroʋa pacena, isu ʋanhu ʋaRoma tisina‐kutoŋgwa, ʋakatiisa mutoroŋgo; ɀino ʋoɗokutiɓuɗisa cinyararire here? Haiwa, kwete! Ŋgaʋaʋuye ʋamene ʋatiɓuɗise. 38Mapurisa akaʋudza ʋatoŋgi mashoko iwayo; ʋakatya ʋacinzwa kuti ʋaRoma; 39ʋakaȿika, ʋakakumbira ɀikuru kwaʋari; ʋakaʋaɓuɗisa, ndokukumbira kuti ʋabve muguta raʋo. 40Ipapo ʋakaɓuɗa mutoroŋgo, ʋakapinda mumba maRidia; ʋakaʋona hama, ʋakaʋanyaradza, ndokuenda.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: