Maɓasa Aʋaapostora 17
17
Pauro naSirasi paTesaronika.
1Ɀino ʋakati ʋagura neAmfipori neAporonia, ʋakaȿika paTesaronika paiʋa nesinagoge raʋaJuda. 2Ɀino Pauro, seɀaaisiita, akapinda kwaʋari; akataurirana naʋo ɀapaMagwaro masaɓata matatu, 3aciʋazarurira nokuʋaziʋisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuʋakafa, ʋuye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu. 4Ʋamŋe ʋaʋo ʋakatendiswa, ʋakateʋera Pauro naSirasi, naʋazhinji ʋaʋaGiriki, ʋainamata Mŋari, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋazhinji. 5Asi ʋaJuda ʋaiʋa negoɗo, ʋakatora ʋamŋe ʋarume ʋakaipa, dzaiʋa simbe, ʋakaʋuŋganidza ʋanhu ʋazhinji, ʋakakaŋganisa guta; ʋakawira imba yaJasoni, ʋaciɗa kuʋaɓuɗisira kuʋanhu. 6Ʋakati ʋaciʋashaiwa, ʋakakakatira Jasoni nedzimŋe hama pamberi paʋaɓati ʋeguta, ʋakaɗana, ʋaciti: Aʋa ʋakakaŋganisa nyika yose, ʋakaȿika napano ʋo, 7Jasoni akaʋagamucira; aʋa ʋose ʋanoita ɀinopesana neɀireʋo ɀaKesari, ʋaciti, mumŋe mambo uri’ko, unonzi Jesu. 8Ʋakapesanisa ʋanhu naʋaɓati ʋeguta, ʋacinzwa iɀoɀo. 9Ɀino, ʋakati ʋatora ruɓatso kunaJasoni naʋamŋe, ʋakaʋarega.
Pauro naSirasi paBerea.
10Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea ʋusiku. Iʋo ʋakati ʋaciȿika’po, ʋakapinda musinagoge raʋaJuda. 11Aʋa ʋakaŋga ʋakanaka kukunda ʋeTesaronika, ʋakagamucira shoko nomŋoyo wose, ʋacinɀera Magwaro zuʋa rimŋe nerimŋe, kana ɀinhu iɀoɀo ɀiri iɀo. 12Naiɀoɀo ʋazhinji ʋaʋo ʋakatenda, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋaʋaGiriki, naʋarume ʋazhinji. 13Asi ʋaJuda ʋeTesaronika, ʋakati ʋacinzwa kuti shoko raMŋari roparidzwa naPauro paBerea, ʋakaȿika ʋo ipapo, ʋakamutsa nokupesanisa ʋazhinji. 14Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kuȿikira kuguŋgwa, asi Sirasi naTimotio ʋakasara’po. 15Ɀino aʋo ʋakaperekedza Pauro, ʋakamuȿitsa Atene; ʋakati ʋarairwa kuʋudza Sirasi naTimotio, kuti ʋakurumidze kuʋuya kwaari, ʋakabva.
Pauro paAtene.
16Ɀino Pauro, acakaʋagarira paAtene, akanzwa shuŋgu pamŋoyo, aciʋona kuti guta rizere neɀifananidzo. 17Naiɀoɀo akataurirana musinagoge naʋaJuda, naʋainamata Mŋari, napaɗare zuʋa rimŋe nerimŋe, naʋaakasoŋgana naʋo. 18Ɀino ʋamŋe ʋakacenjera ʋaʋaEpikuro naʋaStoiko, ʋakaita nharo naye; ʋamŋe ʋakati: Ko uyu mutauri weɀisinamaturo unoɗa kureʋeiko? Ʋamŋe ɀe ʋakati: Uneŋge muparidzi waʋamŋari ʋasiŋgazikanwi; nokuti wakaʋaparidzira Jesu nokumuka kwaʋakafa. 19Ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuisa paAreopago, ʋakati: Ŋgatinzwe ʋo kuti kudzidzisa uku kutȿa, kunotaurwa newe, ndokweiko? 20Nokuti unoreʋa ɀimŋe ɀinoshamisa panzeʋe dzeɗu; naiɀoɀo tinoɗa kunzwa, kuti ɀinhu iɀi ndeɀeiko? 21(Ɀino ʋaAtene ʋose, naʋatorwa ʋaigara’po, ʋaiŋgofarira cinhu cimŋe cete, kutaura kana kunzwa cinhu citȿa.) 22Ɀino Pauro, amire pakati peAreopago, akati:
Imi ʋarume ʋeAtene, paɀinhu ɀose ndinoʋona kuti munonamata ɀikuru. 23Nokuti ndakati ndicipfuʋura, ndicicerekedza ɀamunonamata, ndakawana ʋo artari yakanyorwa: KUNAMŊARI USIŊGAZIKANWI. Ɀino camunonamata musiŋgaciziʋi, ndico candinokuparidzirai. 24Mŋari wakasika nyika neɀose ɀiri mairi, iye Tenzi weɗeŋga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namaʋoko. 25Haashumirwi namaʋoko aʋanhu, saaciŋge acishaiwa cinhu, ɀaari iye amene unopa ʋose ʋupenyu, nokufema, neɀose; 26wakaita marudzi ose aʋanhu, acibva kunomumŋe cete, kuti agare pose panyika; ambotara ŋguʋa dzaʋakatemerwa, nemiganhu yokugara kwaʋo; 27kuti ʋatȿake Mŋari, ɀimŋe ʋamutȿaŋgadzire, ʋamuwane, kunyaŋge asiri kure nomumŋe nomumŋe weɗu. 28Nokuti maari tinoʋupenyu, tinofamba, tiri’po; seɀaʋakareʋa ʋamŋe ʋanyori ʋenziyo ʋokwenyu, ʋaciti: Nokuti tiri rudzi rwake ʋo. 29Ɀatiri rudzi rwaMŋari, hatifaniri kuti ʋuMŋari bgakafanana nendarama, kana sirveri, kana ibge, ɀakaʋezwa noʋumhizha kana kucenjera kwomunhu. 30Naiɀoɀo Mŋari wakarega hake kuraŋgarira ŋguʋa dzokusaziʋa; asi ɀino unoraira ʋanhu ʋose kwose‐kwose kuti ʋatendeʋuke. 31Nokuti wakatara zuʋa, raacatoŋga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunaʋose, pakumumutsa kuʋakafa.
32Ɀino ʋakati ʋacinzwa ɀokumuka kwaʋakafa, ʋamŋe ʋakaseka, asi ʋamŋe ʋakati: Ticazokunzwa ɀe pamsoro paiɀoɀi. 33Naiɀoɀo Pauro akaɓuɗa pakati paʋo. 34Asi ʋamŋe ʋarume ʋakamunamatira, ʋakatenda; pakati paʋo kwaiʋa naDionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Damari, naʋamŋe pamŋe cete naʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018