Maɓasa Aʋaapostora 21
21
Pauro unoȿika Jerusarema, kwaanoɓatwa mutembere.
1Ɀino takati taparadzana naʋo, tikabva necikepe, tikarurama, tikaȿika Kose; fume maŋgwana tikaȿika Rode; tikabva’po, tikaȿika Patara. 2Takati tawana’po cikepe, caiyambukira Finikia, tikapinda mukati maco, tikaenda. 3Takati taʋona Kupro, tikaisiya kuruɓoshwe, ticienda Siria, tikaȿika Tire; nokuti cikepe caifanira kututunura mutoro ipapo; 4ɀino takati tawana’po ʋadzidzi, tikagara’po mazuʋa manomŋe; iʋo ʋakati nomŋeya kunaPauro kuti arege kukwira Jerusarema. 5Ɀino takati tapedza’po mazuʋa, tikabva, tikaenda; iʋo ʋose, naʋakadzi naʋana, ʋakatiperekedza kuȿikira taɓuɗa paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyeŋgetera. 6Tikawonekana, isu tikaenda kucikepe, iʋo ʋakadzokera kumusha kwaʋo.
7Isu takati tapedza rwendo ticibva Tire, tikaȿika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuʋa rimŋe naʋo. 8Fume maŋgwana tikabva’po, tikaȿika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripo, Muevaŋgeri, mumŋe waʋanomŋe, tikagara naye. 9Iye wakaŋga anaʋakunda ʋanna, mhandara, ʋaiprofita. 10Ɀino takati ticigara’po mazuʋa mazhinji, mumŋe muprofita, wainzi Akabo, akaɓuruka acibʋa Judea, 11akaʋuya kwatiri, akatora banhire raPauro, akaɀisuŋga makumbo namaʋoko ake, akati: Mŋeya Mutȿene unoreʋa kuɗai: Saiɀoɀo ʋaJuda paJerusarema ʋacasuŋga murume, mŋene webanhire iri, nokumuisa pamaʋoko aʋahedeni. 12Takati ticinzwa iɀoɀo, isu naʋamŋe ʋaipapo tikakumbira ɀikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusarema. 13Ipapo Pauro akapindura, akati: Munoiteiko, mucicema nokuputsa mŋoyo waŋgu? Nokuti ini handina‐kuɀigadzirira kusuŋgwa ɓedzi, asi kunyaŋge kufira zita raShe Jesu paJerusarema. 14Ɀino wakati aciramba kukundwa, tikanyarara, tikati: Kuɗa kwaShe ŋgakuitwe.
15Mazuʋa iwayo akati apera, tikaroŋgedza, tikakwira Jerusarema. 16Naʋamŋe ʋadzidzi ʋeKesaria ʋakaenda nesu, ʋakaʋuya ʋo nomumŋe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare, weKupro, wataindogara naye.
17Ɀino takati ticiȿika Jerusare ma, hama dzikatigamucira nomufaro. 18Fume maŋgwana Pauro akapinda nesu kunaJakobo; naʋakuru ʋakaŋga ʋari’po ʋose. 19Akaʋakwazisa, ndokuʋarondedzera, cimŋe necimŋe, ɀakaitwa naMŋari pakati paʋahedeni neɓasa rake. 20Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakakudza Mŋari, ʋakati kwaari: Hama, unoʋona kuti ʋari’po ʋaneɀuru ɀamazana ɀizhinji ɀaʋaJuda ʋakatenda; ʋose ʋanoshiŋgairira murairo; 21ɀino ʋakaʋudzwa kuti iwe unodzidzisa ʋaJuda ʋose, ʋari pakati paʋahedeni, kuti ʋarambe Mosesi, uciti, ʋarege kudziŋgisa ʋana ʋaʋo, kana kufamba netsika dzomurairo. 22Ɀino toɗiniko? Ʋacanzwa haʋo kuti waȿika. 23Naiɀoɀo ita iɀi ɀatinotaura kwauri: Tinaʋarume ʋanna ʋakaɀisuŋga nokupika; 24uʋatore, uɀinatse pamŋe cete naʋo, uʋaripire, ʋagoʋeʋura misoro yaʋo; ipapo ʋose ʋacaziʋa, kuti haazi mashoko eɀokwaɗi, aʋakaʋudzwa pamsoro pako; asi kuti iwe ʋo unofamba ɀakanaka, uciceŋgeta murairo umene. 25Asi kana ʋari ʋahedeni ʋakatenda, takaʋanyorera, ticiti ʋaɀidzore paneɀakaɓayirwa ɀifananidzo, neropa, neɀakadzipxa, noʋupombge. 26Ipapo Pauro akatora ʋarume aʋo, akaɀinatsa pamŋe cete naʋo nezuʋa rakateʋera, akapinda mutembere, kuti aziʋise kupera kwamazuʋa okunatsa, kuȿikira mumŋe nomumŋe aɓayirwa ciɓayiro.
27Ɀino mazuʋa manomŋe akati opera, ʋaJuda ʋeAsia ʋakamuʋona mutembere, ʋakamutsa ʋanhu ʋazhinji, ʋakamuɓata, 28ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume ʋaIsraeri, ɓatsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa ʋanhu kwose‐kwose ɀinopesana naʋanhu, nomurairo, nenɀimbo ino; ʋuye ɀe, wakaʋuya naʋaGiriki mutembere, akaȿiɓisa nɀimbo ino tȿene. 29Nokuti ʋakaŋga ʋaʋona Trofimo muEfeso, anaye muguta, ʋakati ɀimŋe Pauro wapinda naye mutembere. 30Ipapo guta rose rakanyoŋganiswa, ʋanhu ʋakamhanyira pamŋe cete; ʋakaɓata Pauro, ʋakamukweʋera kunze kwetembere, mikoʋa ikazarirwa pakarepo. 31Ɀino ʋakati ʋacitȿaka kumuʋuraya, shoko rikakwira kumukuru wecuru camazana, kuti Jerusarema rose ranyoŋganiswa. 32Iye akatora pakarepo ʋarwi naʋakuru ʋezana, akaɓuruka acimhanyira kwaʋari; iʋo ʋakati ʋaciʋona mukuru wecuru camazana naʋarwi, ʋakarega kuroʋa Pauro. 33Ɀino mukuru wecuru camazana akasweɗera, akamuɓata, ndokuraira kuti asuŋgwe namaketani maʋiri; akabvunza kuti ndiani, ʋuye kuti waiteiko. 34Ɀino ʋamŋe pakati paʋazhinji ʋakaɗanidzira cimŋe cinhu, ʋamŋe cimŋe cinhu; ɀino iye asiŋgagoni kuziʋa ɀokwaɗi nokuɗa kweɓopoto, akaraira kuti ʋamuise kuimba yaʋarwi. 35Wakati aciȿika paɀikwiriso, akaita sokutakurwa naʋarwi, nokuɗa kwesimba raʋanhu ʋazhinji; 36nokuti ʋanhu ʋazhinji ʋakateʋera, ʋaciɗanidzira, ʋaciti: Mubvisei!
37Ɀino oɗa kupinzwa muimba yaʋarwi, Pauro akati kumukuru wecuru camazana: Ndiŋgataura cimŋe nemi here? Iye akati: Unoziʋa ciGiriki here? 38Ko hauzi uya muEgipita, wakaɗeya kukaŋganisa ʋanhu paŋguʋa yapfuʋura, akaenda naʋaʋurayi ʋaneɀuru ɀinna kurenje here? 39Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJuda weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure naʋanhu. 40Ɀino wakati amutendera, Pauro akamira paɀikwiriso, akaninira ʋanhu noruʋoko rwake; ɀino ʋakati ʋanyarara kwaɀo, akataura norurimi rweciHeberu, akati:
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018