Maɓasa Aʋaapostora 25
25
Pauro pamberi paFesto; unoɀiisa kunaKesari.
1Ɀino Festo wakati aȿika panyika iyo, mazuʋa matatu apfuʋura, akakwira Jerusarema, acibva Kesaria, 2ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamhaŋarira Pauro kwaari, ʋakamunyeŋgetera, 3ʋakakumbira kuti aʋafadze pamsoro pake, amuɗanire Jerusarema, kuti ʋamuʋandire ʋamuʋuraye panzira. 4Asi Festo wakapindura, aciti Pauro wakaceŋgetwa Kesaria, ʋuye kuti iye amene wakaŋga okurumidza kuenda’ko. 5Akati: Aʋo ʋanesimba pakati penyu, ŋgaʋaɓuruke neni; kana kunecinhu cisakafanira kumunhu uyu, ŋgaʋamupomere mhoȿa.
6Akagara pakati paʋo mazuʋa asiŋgapfuʋuri masere kana gumi, ndokuɓurukira Kesaria; fume maŋgwana akagara pacigaro cokutoŋga, akaraira kuti ʋaʋuye naPauro. 7Wakati aȿika, ʋaJuda ʋakabva Jerusarema, ʋakamukomba, ʋakamupomera mhoȿa zhinji dzakaipa, dzaʋakaŋga ʋasiŋgagoni kusimbisa. 8Ɀino Pauro akaɀiɗaʋirira, akati: Handina‐kutadzira murairo waʋaJuda, kana tembere, kana Kesari 9Ɀino Festo aciɗa kufadza ʋaJuda, akapindura Pauro akati: Unoɗa here kukwira Jerusarema, undotoŋgwa’ko pamberi paŋgu pamsoro peɀinhu iɀi? 10Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pecigaro cokutoŋga caKesari, pandinofanira kutoŋgwa; handina‐kuitira ʋaJuda ɀisakarurama, seɀamunoziʋa nemi ʋo ɀakanaka. 11Ɀino kana ndineŋge ndisakarurama, ndaita cinhu cinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasinecinhu ceɀokwaɗi paɀinhu ɀaʋanondipomera, hakunomunhu uŋgandiisa kwaʋari. Ndinoɀiisa kunaKesari. 12Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Waɀiisa kunaKesari; kunaKesari ucaenda.
Pauro pamberi paAgripa.
13Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, mambo Agripa naBerinike ʋakaȿika Kesaria kuzokwazisa Festo. 14Ʋakati ʋagara mazuʋa mazhinji, Festo akaisa mhoȿa yaPauro kunamambo, aciti: Kunomumŋe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasuŋgwa; 15ndiciri paJerusarema, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamumhaŋarira, ʋacikumbira kuti atoŋgerwe rufu. 16ndikaʋapindura, ndikati haizi tsika yaʋaRoma kuisa kumutoŋgi munhu wapomerwa, asati aʋa naʋapomeri pamberi pake, akatenderwa kuɀiɗaʋirira pamsoro pemhoȿa yaanopomerwa nayo. 17Ɀino ʋakati ʋaʋuŋgana pano, handina‐kunonoka, asi fume maŋgwana ndakagara pacigaro cokutoŋga, ndikaraira kuti ʋaʋuye nomurume uyo. 18Ɀino ʋapomeri ʋakasimuka, asi haʋana‐kumupomera mhoȿa yeɀinhu ɀakaipa ɀandakaŋga ndiciti ʋacamupomera naɀo; 19asi ʋakaŋga ʋanamamŋe mashoko okupira kwaʋo, noomumŋe Jesu wakaŋga afa, wainzi naPauro mupenyu. 20Ɀino ini, ɀandakaŋga ndisiŋgaziʋi mubvunzire weɀinhu ɀakaɗai, ndikabvunza kana aciɗa kuenda Jerusarema kundotoŋgwa ikoko pamsoro peɀinhu iɀoɀo. 21Asi Pauro wakati akumbira kuti aceŋgetwe kuzotoŋgwa namambo mukuru, ndikaraira kuti aceŋgetwe kuȿikira ndicimutumira kunaKesari. 22Ipapo Agripa akati kunaFesto: Neni ndinoɗa kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Maŋgwana mucamunzwa.
23Fume maŋgwana Agripa wakati aȿika naBerinike, ʋashoŋga kwaɀo, ʋapinda mumba maitambirwa mhaka, naʋakuru ʋecuru camazana, naʋakuru ʋeguta, ʋakaʋuya naPauro ʋarairwa naFesto. 24Ɀino Festo akati: Mambo Agripa, nemi ʋarume ʋose ʋaneni, munoʋona munhu uyu, wandakanyeŋgeterwa naʋaJuda ʋose paJerusarema napano, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Haafaniri kuʋa mupenyu. 25Asi ini ndakawana kuti haana‐kuita cinhu cakafanira rufu, ʋuye ɀaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndicamutuma. 26Asi handineshoko kwaro reɀokwaɗi randiŋganyorera ishe pamsoro pake; saka ndaʋuya naye pamberi penyu, ɀikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigoʋa neɀandiŋganyora. 27Nokuti kwandiri ɀakaita seɀisina‐kufanira kutuma musuŋgwa, mhoȿa dzaakakwirirwa nadzo dzisiŋgaziʋiswi ʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018