Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 2

2
1Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Moabi ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapisa mafupa amambo waEdomi kuȿikira aita maɗota. 2Asi ndicatuma mŋoto kuʋaMoabi, ucapedza dzimba dzoʋushe dzeKerioti; Moabi ʋacafa neɓope nokuɗanidzira ʋuye nokurira kwehwamanda; 3ndicaparadza ʋatoŋgi pakati paʋo, nokuʋuraya macinda aʋo ose pamŋe cete naʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
4Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Juda ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakaramba murairo waJehova, ʋakasaceŋgeta mitemo yake, ʋakarashiswa nenhema dzaʋo dzakateʋerwa namadziɓaɓa aʋo. 5Asi ndicatuma mŋoto kunaJuda, ucapedza dzimba dzoʋushe dzeJerusarema.
6Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Israeri ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakateŋgesa ʋakarurama nesirveri, ʋuye unoshaiwa, ʋacipiwa shaŋgu mbiri; 7ndiʋo ʋanoshuʋa kuʋona guruʋa rapasi pamusoro womurombo, ʋacitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu naɓaɓa ʋake ʋacienda ʋose kumusikana mumŋe, kuti ʋamhure zita raŋgu dɀene; 8ʋanoʋata pasi pamaartari ose paŋguʋo dzakatorwa dziciitwa ruɓatso, ʋanonwa waini yaʋakaripiswa mumba maMŋari waʋo. 9Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaparadza ʋaAmori pamberi paʋo, iʋo ʋakaŋga ʋakareɓa semisidari, ʋanesimba semiouki; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaparadza ɀiɓereko ɀaʋo kumsoro nemidzi yaʋo pasi. 10Ndakakuɓuɗisai ʋo munyika yeEgipita, ndikakufambisai murenje makore makumi manna, kuti mundopiwa nyika yaʋaAmori. 11Ndakamutsa ʋo ʋaprofita pakati paʋanakomana ʋenyu, naʋaNaziri pakati pamajaya enyu. Ha ndiɀo here, imi ʋana ʋaIsraeri? 12Asi makapa ʋaNaziri waini ʋanwe, nokuraira ʋaprofita, muciti: Regai kuprofita. 13Tarirai, ndicakutsikirirai pasi, seɀinotsikirira ŋgoro izere nemŋanda. 14Unomhanyisa ucakoniwa kutiza, unesimba haaŋgasimbisi simba rake, kunyaŋge nemhare haiŋgaɀirwiri. 15Kunyaŋge unoɓata ʋuta haaŋgamiri, unetsoka dzinomhanyisa haaŋgaɀirwiri; kunyaŋge wakataȿa biza haaŋgarwiri ʋupenyu bgake; 16unomŋoyo mukuru pakati pemhare ucatiza akashama nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Amosi 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda