Amosi 3
3
Kutoŋgwa kwaIsraeri.
1Inzwai shoko iri rakataurwa naJehova pamsoro penyu, imi ʋana ʋaIsraeri, pamsoro porudzi rwose rwandakaɓuɗisa panyika yeEgipita, ndiciti: 2Ndimi moga ʋandakaziʋa pakati pamarudzi ose enyika; naiɀoɀo ndicakuroʋai pamsoro peɀakaipa ɀenyu ɀose. 3Ko ʋaʋiri ʋaŋgafamba pamŋe cete ʋasina‐kumbotenderana here? 4Ko shumba iŋgaʋomba muɗondo isinacayakaruma here? Ko shumba ɗuku iŋgarira muɓako rayo isina‐cayakaɓata here? 5Ko shiri iŋgawira pasi mumusuŋgo paisina‐kudzikirwa rugombe here? Ko musuŋgo uŋgaurukira kumsoro usina‐cawakaɓata here? 6Ko hwamanda iŋgaridzwa muguta, ʋanhu ʋakasatya here? Ko guta riŋgawirwa neɀakaipa, Jehova asina‐kuɀiita here? 7Ɀirokwaɀo, Ishe Jehova haaŋgaiti cinhu, asina‐kumboziʋisa ʋaranda ʋake ʋaprofita ɀakaʋanzika ɀake. 8Shumba yaʋomba; ndiani uŋgarega kutya? Ishe Jehova wakataura; ndiani uŋgarega kuprofita?
9Paridzirai mudzimba dzoʋushe paAshdodi, nomudzimba dzoʋushe munyika yeEgipita, muti: Ʋuŋganai pamakomo eSamaria, muʋone ɓope guru riri’po, nokumanikidzwa kuri mukati maro. 10Nokuti haʋaziʋi kuita ɀakarurama — ndiɀo ɀinotaura Jehova — iʋo ʋanoʋuŋganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzaʋo dzoʋushe. 11Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Muʋeŋgi uri’po, pose‐pose panyika; iye ucakubvisira simba rako, ʋuye dzimba dzako dzoʋushe dzicapambga. 12Ɀanzi naJehova: Mufudzi seɀaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maʋiri kana cipande cenzeʋe, saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋacabvutwa ʋo, iʋo ʋagere Samaria pamuceto woʋuʋato, ʋuye pamitsamiro yemiceka yesiriki yomubeda. 13Inzwai, mupupurire imba yaJakobo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, Mŋari wehondo. 14Nokuti nezuʋa randicaroʋa Israeri pamsoro pokuɗarika kwaʋo, ndicaroʋa ʋo maartari eBeti‐eri; nyaŋga dzeartari dzicagurwa nokuwira pasi. 15Ndicaputsa dzimba dzecando pamŋe cete nedzimba dzezhezha; dzimba dzenyaŋga dzenzou dzicaparadzwa, ʋuye dzimba huru dzicapera — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: