Amosi 4
4
Israeri ʋanonyeʋerwa naJehova.
1Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBashani, dziri mugomo reSamaria, imi munomanikidza ʋarombo, munopxanya ʋanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu: Ʋuyai neɀokunwa tinwe. 2Ishe Jehova wakapika noʋutȿene bgake, aciti: Tarirai, mazuʋa acaʋuya pamsoro penyu, aʋacakukweʋai neɀikokoʋono, ʋuye ʋakasara ʋenyu neɀiredzo ɀehoʋe. 3Mucaɓuɗa napakakoromoka, mumŋe nomumŋe paakatarisana napo; mucarashirwa Harmoni — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
4Ʋuyai Beti‐eri, muɗarike; ʋuyai Girgari, muwedzere kuɗarika; ʋuyai neɀiɓayiro ɀenyu maŋgwanani ose, ʋuye ɀegumi ɀenyu pazuʋa rimŋe nerimŋe retatu; 5ʋuyai neciɓayiro cokuʋoŋga ceɀakaʋiriswa, muraire ɀipiriso ɀomŋoyo, muɀiparidze; nokuti ndiɀo ɀinokufadzai, imi ʋana ʋaIsraeri — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 6Ndakakupai ʋo meno akacena pamaguta enyu ose, nokushaiwa ɀokudya panɀimbo dzenyu dzose; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 7Ndakakunyimai ʋo mvura, kukohwa kucigere mŋedzi mitatu; ndikainisa paguta rimŋe, ndikasainisa panerimŋe guta; imŋe nɀimbo ikanisirwa mvura, nɀimbo isina‐kunisirwa mvura ikawoma. 8Naiɀoɀo ʋanhu ʋamaguta maʋiri kana matatu ʋakadzuŋgairira kunerimŋe guta kundonwa mvura, ʋakasaguŋgwa; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 9Ndakakuroʋai nenyunje nokuvuva; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiriŋga, nemiʋonde yenyu, nemiorivi yenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 10Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa seɀaɀakaitwa Egipita; majaya enyu ndakaaʋuraya nomunondo, ndikatapa mabiza enyu; ndakaȿitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 11Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mŋari seɀaakaparadza Sodoma neGomora, imi mukaita secitsika cakabvutwa pamŋoto; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 12Saka ndicakuitirai iɀi, imi Israeri; ɀino ɀandicakuitirai iɀi, ɀigadzirei kusoŋgana naMŋari wenyu, imi Israeri. 13Nokuti tarirai, iye, unoʋumba makomo, unosika mhepo, unoziʋisa munhu ɀiri mumuraŋgariro wake, unoshandura maŋgwanani rikaʋa rima, unotsika panɀimbo dzenyika dzakakwirira, Jehova Mŋari wehondo, ndiro zita rake.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: