Danieri 12
12
Ɀeŋguʋa yokupedzisira.
1Neŋguʋa iyo Mikaeri ucasimuka, iye mucinda mukuru unorindira ʋana ʋaʋanhu ʋako; ipapo ŋguʋa yenjodzi icaʋa’po, isinakumboʋa’po yakaɗaro kubva pakumuka kwamarudzi aʋanhu kuȿikira ŋguʋa iyo; neŋguʋa iyo ʋanhu ʋako ʋacarwirwa, iʋo ʋose ʋakanyorwa mubuku. 2Ɀino ʋazhinji ʋaʋaʋete muguruʋa rapasi ʋacamuka, ʋamŋe ʋacamukira ʋupenyu ʋusiŋgaperi, ʋamŋe kukunyadziswa nokuɀidzwa kusiŋgaperi. 3Ʋakacenjera ʋacapenya sokupenya kwokuɗeŋga, ʋuye ʋanodzorera ʋazhinji kukururama ʋacapenya senyeredzi nokusiŋgaperi‐peri. 4Asi iwe Danieri, ʋanza mashoko, unamire buku necisimbiso, kuȿikira kuŋguʋa yokupedzisira; ʋazhinji ʋacamhanya pose‐pose, neziʋo icawanda.
5Ipapo ini Danieri ndakatarira, ndikaʋona ʋamŋe ʋaʋiri, mumŋe pamhenderekedzo yorwizi necoʋuno mhiri, mumŋe pamhenderekedzo yorwizi necemhiri. 6Mumŋe akati kumurume wakaŋga akapfeka muceka, wakaŋga ari pamsoro pemvura yorwizi: Iŋguʋa yakaɗini kuȿikira pakuguma kweɀishamiso iɀi? 7Ndikanzwa murume wakaŋga akapfeka muceka, wakaŋga ari pamsoro pemvura yorwizi, acisimudzira kuɗeŋga ruʋoko rwake rworudyi noruʋoko rwake rworuɓoshwe, acipika naiye unorarama nokusiŋgaperi, kuti ɀicaita ŋguʋa imŋe, nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa; kana ʋapedza kuputsanya simba raʋanhu ʋatȿene, iɀi ɀose ɀicapedziswa. 8Ndikanzwa, asi handinakuɀinzwisisa; ipapo ndikati: Haiwa ishe waŋgu, kupera kweɀinhu iɀi ndokweiko? 9Iye akati: Cienda hako, iwe Danieri; nokuti mashoko awa akaʋanzwa nokunamirwa necisimbiso kuȿikira paŋguʋa yokupedzisira. 10Ʋazhinji ʋacaɀinatsa nokuɀicenesa nokubviswa tȿina, asi ʋakaipa ʋacaita ɀakaipa; hakuna pakati paʋakaipa ucanzwisisa, asi ʋakacenjera ndiʋo ʋacanzwisisa. 11Kubva paŋguʋa yokubviswa kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, nokumutswa kwecinonyaŋgadza cinoparadza, ɀicaita mazuʋa anecuru cimŋe namazana maʋiri namakumi mapfumbamŋe. 12Wakaropafadzwa unoramba acimirira kuȿikira pamazuʋa anecuru cimŋe namazana matatu namakumi matatu namashanu. 13Asi iwe cienda hako kuȿikira kuguma kwaʋa’po; nokuti iwe ucazorora, ndokumukira ɀe mugoʋe wako pakupera kwamazuʋa iwayo.
Zvasarudzwa nguva ino
Danieri 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018