Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 5

5
Ruʋoko runonyora pamadziro pamutambo wamambo Bershazari.
1Ɀino mambo Bershazari wakaitira madzishe ake anecuru cezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paiʋo ʋanecuru cezana. 2Ɀino Bershazari, wakati aɓatwa newaini, akaraira kuti ʋaʋuye nemidziyo yendarama nesirveri, yakaŋga yabviswa naɓaɓa ʋake Nebukadnezari patembere yaiʋa paJerusarema, kuti iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋanwe nayo. 3Ipapo ʋakaʋuya nemidziyo yendarama yakaŋga yabviswa patembere yeimba yaMŋari yaiʋa paJerusarema; iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋakanwa nayo. 4Ʋakanwa waini, ʋakarumbidza ʋamŋari ʋendarama nesirveri nendarira neɗare namatanda namabge. 5Ɀino neŋguʋa iyeyo minwe yoruʋoko rwomunhu yakaʋuya ikanyora pakatarisana necigadziko comŋenje pasuko ramadziro eimba yamambo, mambo akaʋona canza coruʋoko rwakaŋga rucinyora. 6Ipapo ciso camambo cakashanduka maari, pfuŋgwa dzake dzikatambudzwa, ɀifundo ɀeciʋuno cake ɀikasunuŋguka, mabvi ake akaroʋana. 7Mambo akaɗanidzira aciti ʋaʋuye neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi. Mambo akataura akati kunaʋakacenjera ʋeBabironi: Aninani uŋgaraʋa iɀi ɀakanyorwa, akandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wake, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu. 8Ipapo ʋakacenjera ʋose ʋamambo ʋakapinda, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuraʋa ɀakanyorwa, kana kuziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. 9Ɀino mambo Bershazari akatambudzika kwaɀo, ciso cake cikashanduka maari, namadzishe ake akakaŋganiswa. 10Ipapo ʋahosi ʋakapinda muimba yomutambo, nokuɗa kwamashoko amambo naamadzishe ake; ʋahosi ʋakataura, ʋakati: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi; pfuŋgwa dzenyu ŋgadzirege kukutambudzai, ciso cenyu ŋgacirege kushanduka. 11Muʋushe bgenyu munomurume, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; pamazuʋa aɓaɓa ʋenyu ciedza neziʋo nenjere, ɀakafanana nenjere dzaʋamŋari, ɀakawanikwa maari; mambo Nebukadnezari, ɓaɓa ʋenyu, iʋo mambo, ɓaɓa ʋenyu, ʋakamuita mukuru waʋacenjeri neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi; 12nokuti kunaDanieri, wakatumidzwa Berteshazari namambo, kwakawanikwa mŋeya wakanaka kwaɀo, neziʋo, nokunzwisisa, nokuɗudzira kurota, nokuɓuɗisa mashoko akaʋanzika, nokusunuŋgura fundo. Ɀino Danieri ŋgaaɗanwe, iye ucakuziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo.
13Ipapo Danieri akaʋuyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Ndiwe uya Danieri, waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, wakandotapxa kuʋaJuda naɓaɓa ʋaŋgu here? 14Ndakanzwa ɀako, kuti mŋeya waʋamŋari uri mukati mako, ʋuye kuti ciedza neziʋo nenjere kwadzo ɀinowanikwa mauri. 15Ɀino ʋakacenjera, idzo ŋaŋga, ʋakaʋuyiswa pamberi paŋgu, kuti ʋaraʋe ɀakanyorwa iɀi, ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwaɀo; asi ʋakakoniwa kundiziʋisa kuɗudzirwa kwecinhu ici. 16Asi ndakanzwa ɀako, kuti unogona kuɗudzira, nokusunuŋgura fundo; ɀino kana ukagona kuraʋa ɀakanyorwa, nokundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wako, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu. 17Ipapo Danieri akapindura, akati pamberi pamambo: Garai henyu neɀipo ɀenyu, ipai henyu mumŋe miɓairo yenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaraʋira mambo ɀakanyorwa, nokumuziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. 18Imi mambo, Mŋari Wokumsoro‐soro wakapa ɓaɓa ʋenyu Nebukadnezari ʋushe noʋukuru, nembiri noʋumambo; 19ɀino nokuɗa kwoʋukuru, bgaakamupa, ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋakaɗeɗera nokutya pamberi pake; waiʋuraya waaiɗa kuʋuraya, wairaramisa waaiɗa kuraramisa, waikwiridza waaiɗa kukwiridza, nokuɗeredza waaiɗa kuɗeredza. 20Asi mŋoyo wake wakati uciɀikudza, nomŋeya wake uciɀiwomesa, kuȿikira aciita manyawi, wakabviswa pacigaro cake coʋushe, ʋakamutorera kubginya kwake; 21akadziŋgwa pakati paʋanakomana ʋaʋanhu, mŋoyo wake ukaitwa sowemhuka, akandogara nembizi, akadyiswa ʋuswa senzombe, muʋiri wake ukanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, kuȿikira aziʋa kuti Mŋari Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, aciʋupa waanoɗa. 22Asi imi Bershazari mŋanakomana wake, hamuna‐kuɀininipisa nomŋoyo wenyu, kunyaŋge makaŋga muciɀiziʋa ɀose, 23asi makaɀikudza pamberi paShe wokuɗeŋga; midziyo yeimba yake yakaʋuyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu naʋakadzi ʋenyu naʋaroŋgo ʋenyu mukanwa waini nayo; makarumbidza ʋamŋari ʋesirveri nendarama neɗare namatanda namabge, ɀisiŋgaʋoni kana kunzwa kana kuziʋa; asi iye Mŋari, wakaɓata mŋeya wenyu muruʋoko rwake, unoziʋa nzira dzenyu dzose, hamuna‐kumukudza iye. 24Naiɀoɀo canza coruʋoko cakatumŋa cicibva kwaari, ɀakanyorwa iɀi ɀikanyorwa. 25Ɀino ɀakanyorwa ndiɀeɀi: MENE, MENE, TEKERE, UFARSINI. 26Kuɗudzirwa kwecinhu ici, ndikoku: MENE, Mŋari wakaʋereŋga mazuʋa oʋushe bgenyu, akaʋugumisa. 27TEKERI, iwe wayerwa paciyero, ukawanikwa wakareruka. 28PERESI, ʋushe bgako bgakamurwa, bgapiwa ʋaMedia naʋaPersia. 29Ipapo Bershazari akaraira, ʋakafukidza Danieri ŋguʋo tȿuku ʋakamushoŋgedza ʋuketani bgendarama pamutsipa wake, akaparidza pamsoro pake kuti aʋe muɓati wecitatu paʋushe bgake. 30Noʋusiku ubgo mambo Bershazari muKardea wakaʋurawa. 31Dariusi muMedia akapiwa ʋushe, anamakore aneŋge makumi matanhatu namaʋiri.

Zvasarudzwa nguva ino

Danieri 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda