Muparidzi 2
2
Mufaro wenyika nefuma haɀifadzi.
1Ndakati mumŋoyo maŋgu: Ʋuya hako, ndicakuidza nomufaro; cifarira ɀinhu ɀakanaka! Asi tarira, naiɀoɀo ʋo ɀakaŋga ɀisinamaturo. 2Kana kuri kuseka, ndakati: Ʋupeŋgo! Kana uri mufaro, ndakati: Unoɓatsireiko? 3Ndakanɀera mŋoyo waŋgu, ndiʋone kuti ndiŋgafadza nyama yaŋgu sei newaini, mŋoyo waŋgu ucindifambisa hawo noʋucenjeri, ʋuye kuti ndiŋgaramba ndakaɓata ʋupenzi, kuȿikira ndaʋona kuti ɀakanaka ndeɀipi ɀiŋgaitwa naʋanakomana ʋaʋanhu pasi peɗeŋga mazuʋa ose oʋupenyu bgaʋo. 4Ndakaɀiitira maɓasa makuru; ndakaɀiʋakira dzimba; ndakaɀirimira minda yemizambiriŋga; 5ndakaɀiitira minda neminda yemiti, ndikasima’mo miti inoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi ose; 6ndakaɀiitira madziʋa emvura, kuti ndiɗiridze matondo pakaŋga pasimŋa miti; 7ndakateŋga ʋaranda naʋarandakadzi, ndikaʋa naʋaranda ʋakaɓerekerwa mumba maŋgu; ndakaŋga ndinefuma zhinji yeŋombe namakwai, kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; 8ndakaɀiʋuŋganidzira ʋo sirveri nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakaɀitȿakira ʋaimbi ʋarume naʋakadzi, neɀinofadza ɀaʋanakomana ʋaʋanhu, naʋaroŋgo ʋazhinji. 9Saiɀoɀo ndakaŋga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndicikura kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ʋuye ʋucenjeri bgaŋgu bgakagara neni. 10Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose. 11Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa.
12Ɀino ndakatendeʋuka kuti ndicerekedze ʋucenjeri, noʋupeŋgo, noʋupenzi, nokuti cinyi ciŋgaitwa nomunhu unoteʋera mambo? Iɀoɀo ɀakaŋguʋa ɀaitwa. 13Ipapo ndakaʋona kuti ʋucenjeri bgakanaka kupfuʋura ʋupenzi, ɀiciita seciedza cakanaka kupfuʋura rima. 14Meso omunhu wakacenjera ari mumusoro wake, asi ɓenzi rinofamba murima; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaʋona kuti ʋose ʋanowirwa necinhu cimŋe cete. 15Ipapo ndakati mumŋoyo maŋgu: Seɀinoitirwa ɓenzi, ndiɀo ɀandicaitirwa neni ʋo; ko ini ndaiʋa wakacenjera nei! Ndikati mumŋoyo maŋgu, iɀi ɀose haɀinamaturo ʋo. 16Nokuti munhu wakacenjera wakafanana neɓenzi pakusaraŋgarirwa nokusiŋgaperi; nokuti ɀinozokaŋganikwa ɀose pamazuʋa anoʋuya. Wakacenjera haazinofa seɓenzi here? 17Saka ndakaʋeŋga ʋupenyu, nokuti ɓasa rinoitwa pasi pezuʋa rakandinzwisa shuŋgu; nokuti ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
18Ɀino ndakaʋeŋga kuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa, ɀandinofanira kuɀisiyira munhu unonditeʋera. 19Ɀino ndiani uŋgaziʋa kana iye acaʋa wakacenjera kana ɓenzi? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaʋa nesimba pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata, neɀandakaita noʋucenjeri pasi peɗeŋga. Naiɀoɀo ʋo hazinamaturo. 20Saka ndakatendeʋuka, kuti ndiʋodze haŋgu mŋoyo waŋgu pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa. 21Nokuti munhu uri’ko wakaɓata noʋucenjeri neziʋo noʋumhizha; kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kuɀisiyira mumŋe, uʋe mugoʋe wake, usinakutoŋgoɀitamburira. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, cinhu cakaipa kwaɀo. 22Nokuti munhu unowanei pamsoro pokuɓata kwake kwose, nokushiŋgaira kwomŋoyo wake, kwaanoɓata nako pasi pezuʋa? 23Nokuti mazuʋa ake ose inhamo ɓedzi, nokutambudzika kwake kucema; ɀirokwaɀo kunyaŋge ʋusiku mŋoyo wake hauzorori. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo.
24Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari. 25Nokuti ndiani uŋgadya, ndiani uŋgafarira cinhu kunze kwake? 26Nokuti munhu, unomufadza, unopiwa ʋucenjeri, neziʋo, nomufaro; asi mutadzi unopiwa kutambudzika, kuti aʋuŋganidze nokututira, agoɀipa mumŋe unofadza Mŋari. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: