Muparidzi 6
6
Mufaro unobʋa pafuma yenyika haunakukwana.
1Kunecinhu cakaipa candakaʋona pasi pezuʋa, cinoremedza ʋanhu: 2Munhu unopiwa naMŋari fuma neɀakawanda nokukudzwa, saiɀoɀo kuti mŋeya wake hautoŋgoshaiwi cinhu caanoɗa; asi Mŋari haamupi simba rokudya iɀoɀo; asi mutorwa unoɀidya; ici hacinamaturo, ihosha yakaipa. 3Kana munhu akaɓereka ʋana ʋanezana, akararama makore mazhinji, mazuʋa amakore ake akaʋa mazhinji, asi mŋeya wake usiŋgagutswi neɀakanaka, ʋuye ɀe akasaʋigwa ɀakanaka, ndinoti mŋana wakaɓerekwa ŋguʋa isati yaȿika unopfuʋura iye; 4nokuti unoʋuya asinamaturo, unoenda ɀe murima, zita rake rinofukidzwa nerima; 5ʋuye ɀe, haana‐kuʋona zuʋa kana kuriziʋa; mŋana wakaɗai unezororo kupfuʋura iye. 6Ɀirokwaɀo, kunyaŋge akararama makore aneɀuru ɀiʋiri ɀamazana, asiŋgafariri ɀinhu ɀakanaka, ko ʋose haʋaendi kunɀimbo imŋe here? 7Kuɓata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyaŋge ɀakaɗaro kuɗa kwake ɀokudya hakugutswi. 8Nokuti wakacenjera unokurira ɓenzi nei? Kana murombo unei, iye unoziʋa kufamba ɀakanaka pamberi paʋapenyu. 9Kuʋona kwameso kunopfuʋura kutȿaka‐tȿaka kwomŋeya. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
10Cinhu cipi necipi, cakaʋa’po, cakaŋguʋa capiwa zita raco; ɀakatarwa kuti munhu ucaʋa wakaɗini, haaŋgarwi nounomupfuʋura nesimba. 11Nokuti mashoko mazhinji ari’ko, anowedzera ɀisinamaturo; munhu unoɓatsirwei naɀo? 12Nokuti ndiani unoziʋa ɀakafanira munhu paʋupenyu bgake, iwo mazuʋa ose oʋupenyu bgake ʋusinamaturo, bgaanorarama somumvuri? Nokuti ndiani uŋgaʋudza munhu ɀicazomuteʋera pasi pezuʋa?
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018