Muparidzi 7
7
Ʋucenjeri, nokuɀidzora, nokutsuŋgirira ndiɀo ɀakanaka.
1Mbiri yakanaka inopfuʋura cizoro cakanaka, nezuʋa rokufa kupfuʋura zuʋa rokuɀarwa. 2Ɀirinani kuenda kuimba yokucema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo waʋanhu ʋose; munhu mupenyu ucaɀiraŋgarira pamŋoyo pake. 3Kucema kunopfuʋura kuseka, nokuti mŋoyo unofadzwa nokupunyaira kweciso. 4Mŋoyo yaʋakacenjera iri paimba yokucema, asi mŋoyo yamapenzi iri paimba yokufara. 5Ɀirinani kuti munhu anzwe kutuka kwaʋakacenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi. 6Nokuti kuseka kweɓenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo. 7Ɀirokwaɀo kumanikidza kunoita mucenjeri ɓenzi; ʋuye fufuro inoparadza njere. 8Kuguma kwecinhu kunopfuʋura kutaŋga kwaco; unomŋoyo murefu unopfuʋura unomŋoyo unoɀikudza. 9Usakurumidza pamŋeya wako kutsamŋa, nokuti kutsamŋa kunogara pacifuʋa camapenzi. 10Usati: Mazuʋa ekare anopfuʋura aɀino nokunaka neiko? Nokuti hauŋgabvunzi saiɀoɀo noʋucenjeri. 11Ʋucenjeri bgakaenzana nenhaka; ɀirokwaɀo, bgaiȿo‐naka kunaʋanoʋona zuʋa. 12Nokuti ʋucenjeri citaʋiridzo, mari ʋo citaʋiridzo; asi kunakisa kweziʋo ndiko, kuti ʋucenjeri ʋunoceŋgeta ʋupenyu bgaiye unabgo. 13Cerekedza ɓasa raMŋari, nokuti ndiani uŋgaruramisa caakakombamisa iye? 14Fara nezuʋa rokugara ɀakanaka, raŋgarira nezuʋa rokutambudzika; Mŋari ndiye wakaita iɀoɀo ɀose ɀiʋiri, kuti munhu arege kuziʋa ɀiri mberi kwake.
15Iɀoɀi ɀose ndakaɀiʋona pamazuʋa aŋgu asinamaturo: Wakarurama uri’ko, unoparara pakati pokururama kwake, ʋuye ɀe, munhu wakaipa uri’ko, unorarama ŋguʋa huru pakati peɀakaipa ɀake. 16Usaʋa munhu wakaiȿo‐rurama, usaʋa wakaiȿo‐cenjera; ucaɀiparadzireiko? 17Usaʋa munhu wakaiȿo‐ipa, ʋuye usaʋa ɓenzi; ucafireiko ŋguʋa yako isati yaȿika? 18Ɀakanaka kuti uɓatisise cinhu ici, ʋuye usabvisa ruʋoko rwako panececo; nokuti unotya Mŋari, ucapukunyuka panaiɀoɀo ɀose.
19Ʋucenjeri ʋunosimbisa wakacenjera kupfuʋura ʋaɓati ʋanegumi ʋari muguta. 20Ɀirokwaɀo, hapanomunhu wakarurama panyika, unoita ɀakanaka, asiŋgatadzi. 21Ʋuye ɀe, usaʋa nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako acikutuka. 22Nokuti kazhinji mŋoyo wako unoziʋa kuti newe ʋo wakatuka ʋamŋe saiɀoɀo.
23Iɀoɀi ɀose ndakaɀiidza noʋucenjeri; ndakati: Ndicaʋa wakacenjera; asi ɀakaŋga ɀiri kure neni. 24Iɀo, ɀiri’po, ɀiri kure, ɀakadzika kwaɀo, ndiani uŋgaɀiziʋa? 25Ndakatendeʋuka, mŋoyo waŋgu ukaɗa kuziʋa nokunɀera, nokutȿaka ʋucenjeri namano, ndiziʋe kuti kuipa ʋupenzi, noʋupenzi kupeŋga. 26Ndikawana cinhu cinoʋaʋa kukunda rufu, ndiye mukadzi uri musuŋgo, mŋoyo wake ari mambure, namaʋoko ake ɀisuŋgo; aninani unofadza Mŋari, ucapukunyuka kwaari; asi mutadzi ucaɓatwa naye. 27Ɀanzi noMuparidzi: Tarirai, ndiɀoɀi ɀandakawana, ndiciʋereŋga cinhu cimŋe necimŋe, kuti ndiwane shumo yaɀo; 28ɀinoŋgoramba ɀicitȿakwa nomŋeya waŋgu, asi ndigere kuɀiwana: Ndakawana murume mumŋe pakati pecuru cezana, asi handina‐kuwana mukadzi pakati paʋazhinji ʋakaɗai. 29Asi tarirai, cinhu cimŋe ici cete ndico candakawana, kuti Mŋari wakaita munhu akarurama, asi iʋo ʋakatȿaka mano mazhinji.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018