Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 8

8
Ʋaɓati ʋanofanira kutererwa.
1Ndiani wakafanana nomunhu wakacenjera? Ndiani unoziʋa kuɗudzira cinhu? Ʋucenjeri bgomunhu ʋunobginyisa ciso cake; hasha dzeciso cake dzinoshandurwa. 2Ndinoti: Ceŋgeta murairo wamambo, uɀiite nokuɗa kweɀawakapikira Mŋari. 3Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsuŋgirira pacinhu cakaipa, nokuti unoita ɀose ɀaanoɗa. 4Nokuti shoko ramambo rinesimba; ndiani uŋgati kwaari: Munoiteiko? 5Munhu unoceŋgeta murairo, haaŋgaʋoni cinhu cakaipa; mŋoyo wowakacenjera unoziʋa ŋguʋa nokutoŋgwa. 6Nokuti cinhu cimŋe necimŋe cineŋguʋa yaco nokutoŋgwa kwaco; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza; 7nokuti haaziʋi ɀicazoʋa’po; nokuti ndiani uŋgamuziʋisa kuti ɀicaʋa ɀakaɗini? 8Hakunomunhu unesimba pamsoro pemhepo, kuti adziʋirire mhepo; ʋuye haanesimba pamsoro pezuʋa rorufu; hakuna‐kukaŋganwirwa pakurwa; saiɀoɀo ɀakaipa haɀiŋgarwiri iye unoɀiita. 9Iɀoɀi ɀose ndakaɀiʋona, ndikaraŋgarira nomŋoyo waŋgu maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa, paŋguʋa kana mumŋe munhu anesimba pamsoro pomumŋe, acimuitira ɀakaipa.
Muɓairo waʋakarurama naʋasakarurama.
10Saiɀoɀo ndakaʋona wakaipa aciʋigwa, ʋanhu ʋakaʋuya kubgiro bgake; asi ʋakaŋga ʋaita ɀakarurama ʋakabva panɀimbo tȿene, ʋakakaŋganikwa muguta; naiɀoɀo haɀinamaturo. 11Kutoŋgwa ɀakusiŋgakurumidzi kuʋuya pamsoro peɓasa rakaipa, mŋoyo yaʋanakomana ʋaʋanhu inotsuŋgirira kuita ɀakaipa. 12Kunyaŋge mutadzi akaita ɀakaipa runezana, akaʋa namazuʋa mazhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti ʋanotya Mŋari, ʋanotya pamberi pake, ʋacagara ɀakanaka; 13asi wakaipa haaŋgagari ɀakanaka, haaŋgaʋi namazuʋa mazhinji, ɀaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMŋari. 14Cinhu cisinamaturo ciri’po, cinoitwa panyika, ndico kuti ʋakarurama ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakaipa, ʋuye ɀe ʋakaipa ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakarurama; ndikati: Naiɀoɀi haɀinamaturo. 15Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haanecinhu cinopfuʋura ici, kuti adye, anwe, afare; kuti iɀoɀo ɀigare naye pakuɓata kwake mazuʋa ose oʋupenyu bgake, bgaakapiwa naMŋari pasi pezuʋa.
16Ɀino ndakati ndiciraŋgarira nomŋoyo waŋgu kuti ndiziʋe ʋucenjeri nokuʋona kuɓata kunoitwa panyika (nokuti ʋamŋe ʋari’ko ʋasiŋgaʋoni hope nameso aʋo masikati noʋusiku), 17ndikaʋona maɓasa ose aMŋari, kuti munhu haaŋganzwisisi maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa; nokuti kunyaŋge munhu akatambura hake kuti aɀinɀere, haaŋgaɀinzwisisi hake; ɀirokwaɀo, kunyaŋge munhu, wakacenjera, aciti, ndinoɀiziʋa, kunyaŋge ɀakaɗaro, haaŋgagoni kuɀinzwisisa.

Zvasarudzwa nguva ino

Muparidzi 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda