Muparidzi 9
9
Nzira dzaMŋari naʋakarurama naʋakaipa hadzizikanwi.
1Nokuti iɀoɀo ɀose ndakaɀiraŋgarira nomŋoyo waŋgu, kuti ndinzwisise iɀoɀi ɀose, kuti ʋakarurama naʋakacenjera ʋari paruʋoko rwaMŋari, pamŋe cete namaɓasa aʋo; kana kuri kuɗa kana kuʋeŋga, munhu haaɀiziʋi; ɀose ɀiri mberi kwaʋo. 2Ɀose ɀinoenzanisirwa ʋose; cinhu cimŋe cinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakacena nounetȿina, unoɓayira nousiŋgaɓayiri, wakanaka nomutadzi, unopika nounotya kupika. 3Cinhu ici cakaipa pakati peɀose ɀinoitwa pasi pezuʋa, kuti cinhu cimŋe ciitirwe ʋose; ɀirokwaɀo ʋo, mŋoyo yaʋanakomana ʋaʋanhu izere neɀakaipa, ʋuye ʋupeŋgo ʋuri mumŋoyo yaʋo ʋaciri ʋapenyu; shure kwaiɀoɀo ʋanoenda kuʋakafa. 4Nokuti kana munhu aciri pakati paʋapenyu ʋose, ucinecinhu caaŋgatarira; nokuti imbga mhenyu inopfuʋura shumba yakafa. 5Nokuti ʋapenyu ʋanoziʋa kuti ʋacazofa, asi ʋakafa haʋana‐caʋanoziʋa, kunyaŋge nomuɓairo haʋacina; nokuti haʋacaraŋgarirwi. 6Ruɗo rwaʋo, nokuʋeŋga kwaʋo, negoɗo raʋo, ɀose ɀaŋguʋa ɀapera haɀo; haʋacinomugoʋe nokusiŋgaperi paɀose ɀinoitwa pasi pezuʋa.
7Enda ɀako, udye ɀokudya ɀako nomufaro, unwe waini yako nomŋoyo wakafara; nokuti Mŋari watofadzwa namaɓasa ako. 8Ŋguʋo dzako dzigare dzakacena; nomusoro wako urege kushaiwa mafuta. 9Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoɗa, mazuʋa ako ose asinamaturo, aakakupa pasi pezuʋa, mazuʋa ako ose asinamaturo; nokuti ndiwo mugoʋe wako paʋupenyu, ʋuye pakuɓata kwako kwaunoɓata pasi pezuʋa. 10Ɀose ɀinowana ruʋoko rwako, kuti ruɀiite, uɀiite nesimba rako rose; nokuti hakuneɓasa, kana zano, kana ziʋo, kana ʋucenjeri paSheori kwaunoenda.
Ʋucenjeri ʋunopfuʋura ɀose.
11Ndakadzoka, ndikaʋona pasi pezuʋa, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, unesimba haazi iye unokunda pakurwa, wakacenjera haazi iye uneɀokudya, ʋanhu ʋanenjere haʋazi iʋo ʋanefuma, ʋanhu ʋanoʋumhizha haʋazi iʋo ʋanofarirwa; asi ʋanowirwa ʋose neŋguʋa neɀinoitika. 12Nokuti nomunhu ʋo haaziʋi ŋguʋa yake; sehoʋe, dzinoɓatwa murutaʋa rwakaipa, kana shiri, dzinoɓatwa murugombe, saiɀoɀo ʋanakomana ʋaʋanhu ʋanoteyiwa neŋguʋa yakaipa, kana yaʋawira kamŋe‐kamŋe.
13Ndakaʋona ʋo pasi pezuʋa ʋucenjeri bgakaɗai, ndikati ʋukuru: 14Kwakaŋga kuneguta ɗuku, maiʋa naʋarume ʋashoma; mumŋe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akariʋakira maȿiŋgo makuru okurwa nawo. 15Ɀino mukati maro makawanikwa murombo wakaŋga akacenjera, iye akaponesa guta noʋucenjeri bgake; asi hakunomunhu wakaraŋgarira munhu uyo murombo. 16Ipapo ndakati: Ʋucenjeri ʋunopfuʋura simba; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋucenjeri bgomurombo ʋunoshoʋorwa, namashoko ake haatererwi.
17Mashoko aʋakacenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuʋura kuɗanidzira kwomunhu unoɓata ʋushe pakati pamapenzi. 18Ʋucenjeri ʋunopfuʋura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumŋe unoparadza ɀakanaka ɀizhinji.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: