ƲaEfeso 4
4
MuMŋeya tiri ʋamŋe.
1Naiɀoɀo ini musuŋgwa munaShe, ndinokumbira ɀikuru kuti mufambe ɀakafanira kuɗanwa kwamakaɗanwa nako, 2nokuɀininipisa kwose noʋunyoro, nomŋoyo murefu, muciitirana mŋoyo murefu muruɗo; 3mucishiŋgaira kuceŋgeta ʋumŋe bgoMŋeya mucisuŋgo corugare. 4Kunomuʋiri mumŋe, noMŋeya mumŋe, seɀamakaɗanwa ʋo mutariro imŋe yokuɗanwa kwenyu; 5Ishe mumŋe, nokutenda kumŋe, norubapatidzo rumŋe, 6naMŋari mumŋe, naƂaɓa ʋaʋose, uri pamsoro paʋose, unoɓata naʋose, uri mukati maʋose. 7Asi mumŋe nomumŋe weɗu wakapiwa nyasha neciyero cecipo caKristu. 8Naiɀoɀo unoti:
Wakakwira kumsoro akatapa ʋatapxa,
Akapa ʋanhu ɀipo.
9(Ɀino kuti: Wakakwira, cinyiko, asi kuti, wakaɓuruka ʋo kumatiʋi ari pasi penyika? 10Wakaɓuruka ndiye wakakwira ʋo kumsoro‐soro kweɗeŋga rose, kuti azadzise ɀose). 11Ɀino wakapa ʋamŋe kuti ʋaʋe ʋaapostora, ʋamŋe ʋaprofita, ʋamŋe ʋaevaŋgeri, ʋamŋe ʋafudzi naʋadzidzisi; 12kuti ʋatȿene ʋakwanisirwe ɓasa raʋo rokushumira, nerokuʋaka muʋiri waKristu; 13kudzimana isu tose tiȿike paʋumŋe bgokutenda nokuziʋa Mŋanakomana waMŋari, napamunhu wakura, napaciyero coʋukuru bgokuzara kwaKristu; 14kuti tirege kuramba ticiŋgoʋa ʋacece, ticizunuŋguswa nokudziŋgwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyeŋgera kwaʋanhu, namano, kuti ʋatsause nokunyeŋgera; 15asi tireʋe ɀokwaɗi muruɗo, tigokura maari paɀose, iye Kristu, Musoro; 16muʋiri wose wakasoŋganiswa ɀakanaka maari nokuɓatanidzwa nenheŋgo dzose dzinosimbisa, mutezo mumŋe nomumŋe uciɓata neciyero cawo, kuti muʋiri ukuriswe pakuʋakwa kwawo muruɗo.
Mufambire mutȿa womukristu.
17Naiɀoɀo ndinoreʋa nokupupura cinhu ici munaShe, ndiciti, musaramba mucifamba saʋahedeni, ʋanofamba ʋo noʋupenzi bgokuraŋgarira kwaʋo, 18ʋakaȿiɓirwa pakunzwisisa kwaʋo, ʋari ʋatorwa paʋupenyu bgaMŋari nokuɗa kwokusaziʋa kuri mukati maʋo, nokuɗa kwoʋukukutu bgomŋoyo yaʋo; 19ʋakaɀipa ʋasinehanya kuʋutere, kuti ʋaɓate maɓasa ose etȿina nokuciʋa. 20Asi imi hamuna‐kudzidza Kristu saiɀoɀo, 21kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri ɀokwaɗi munaJesu: 22kuti pamufambire wenyu wokutaŋga mubvise munhu wekare, unoʋodzwa nokuciʋa kwokunyeŋgera; 23muʋandudzwe mumŋeya wokuraŋgarira kwenyu, 24mufuke munhu mutȿa, wakasikwa akafanana naMŋari pakururama, noʋutȿene bgeɀokwaɗi.
25Naiɀoɀo bvisai nhema, mutaure ɀokwaɗi, mumŋe nomumŋe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumŋe womumŋe. 26Tsamŋai, musiŋgatadzi; zuʋa ŋgarirege kuʋira mucakatsamŋa; 27musapa Diaborosi nɀimbo. 28Wakaɓa, ŋgaarege kuɓa ɀe; asi ɀirinani kuti atambudzike, aɓate namaʋoko ake ɓasa rakanaka, kuti aʋe necaaŋgapa unoshaiwa. 29Mumuromo menyu murege kuɓuɗa shoko rakaʋora, asi rakanaka, riŋgasimbisa pakafanira, riʋigire nyasha aʋo ʋanonzwa. 30Regai kucemedza Mŋeya Mutȿene waMŋari, wamakaisirwa cisimbiso maari kuȿikira pazuʋa rokudzikinurwa. 31Shuŋgu dzose, nokutsamŋa, nehasha, nokupopota, nokutuka, neɀakaipa ɀose, ŋgaɀibviswe kwamuri; 32muitirane mŋoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukaŋganwirane, seɀamakakaŋganwirwa naMŋari munaKristu.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaEfeso 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: