Estere 1
1
Mutambo wamambo Ahashveroshi. Ʋahosi Vashti ʋanodziŋgwa.
1Ɀino pamazuʋa aAhashveroshi, (ndiye Ahashveroshi waiɓata ʋushe kubva paIndia kuȿikira Etiopia, pamatiʋi enyika anezana namakumi maʋiri namanomŋe;) 2pamazuʋa iwayo mambo Ahashveroshi agere pacigaro cake coʋushe cakaŋga ciri paShushani panhare yamambo, 3pagore recitatu rokuɓata kwake ʋushe, wakaitira macinda ake ose naʋaranda ʋake mutambo; hondo dzePersia neMedia, naʋakuru namacinda enyika ʋakaŋga ʋari pamberi pake. 4Akaʋaratidza fuma yoʋushe bgake bgakarumbidzwa, nokukudzwa kwoʋumambo bgake bgakaiȿo‐naka mazuʋa mazhinji, ari mazuʋa anezana namakumi masere. 5Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari paShushani panhare yamambo, ʋakuru naʋaɗuku, mazuʋa manomŋe paruʋazhe rwomunda panhare yamambo; 6pakaŋga panemiceka micena nemipfumbu nemitema yakaŋga yakasuŋgwa neɀisuŋgo ɀemiceka yakaiȿonaka nemishaʋa paɀindori ɀesirveri nembiru dzamabge macena; ɀigaro ɀakaŋga ɀiri ɀendarama nesirveri ɀakagadzikwa paguʋa rakaitwa namabge matȿuku, namacena, namashora, namatema. 7Ʋakapiwa ɀokunwa mumikombe yendarama, (asi mikombe yakaŋga isinakufanana), newaini yamambo zhinji, mambo asiŋgaʋanyimi napaɗuku. 8Ʋakanwa nomurairo wokuti munhu arege kuroʋererwa; nokuti mambo wakaŋga araira ʋaranda ʋose ʋeimba yake, kuti ʋaitire mumŋe nomumŋe seɀaakaŋga aciɗa nomŋoyo wake. 9Naʋahosi Vashti ʋakaitira ʋo ʋakadzi mutambo paimba yamambo yakaŋga iri yamambo Ahashveroshi. 10Ɀino nezuʋa recinomŋe mŋoyo wamambo wakati ucifara newaini, akaraira Mehumani, naBizta, naHarbona, naBigta, naAbagta, naZetari, naKarkasi, iʋo ʋaranda ʋanomŋe ʋaiɓata pamberi pamambo Ahashveroshi, 11kuti ʋaʋuye naʋahosi Vashti pamberi pamambo, ʋanekorona yoʋuhosi, kuti ʋanhu namacinda ʋaʋone kunaka kwaʋo; nokuti ʋakaŋga ʋakanaka pakuʋonekwa. 12Asi ʋahosi Vashti ʋakaramba kuʋuya seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo nomuromo waʋaranda; ipapo mambo akatsamŋa kwaɀo, shuŋgu dzake dzikamuka mukati make. 13Ipapo mambo akati kuʋarume ʋakaŋgwara ʋaiziʋa ŋguʋa, (nokuti saiɀoɀo mambo wairaŋgana naʋose ʋaiziʋa murau neɀakatoŋgwa; 14ʋakaŋga ʋagere peɗo naye ʋaiʋa Karshena, naShetari, naAdmata, naTarshishi, naMeresi, naMarsena, naMemukani, iwo macinda manomŋe ePersia neMedia, ʋaisiʋonana namambo, ʋaigara paɀigaro ɀokutaŋga paʋushe;) 15akati: Murairo unoti kuɗini, ticaitireiko ʋahosi Vashti, ɀaʋakaramba kuita seɀaʋakarairwa namambo Ahashveroshi nomuromo waʋaranda? 16Ipapo Memukani akapindura mambo namacinda, akati: Ʋahosi haʋana‐kutadzira mambo ɓedzi, asi namacinda ose ʋo, naʋanhu ʋose ʋari munyika dzose dzamambo Ahashveroshi. 17Nokuti ici cakaitwa naʋahosi cicapararira pakati paʋakadzi ʋose, ɀino ʋacashoʋora ʋarume ʋaʋo, kana ɀicinzi: Mambo Ahashveroshi wakaraira ʋahosi Vashti kuti ʋaʋuyiswe pamberi pake, asi ʋakaramba kuʋuya. 18Nhasi ʋakadzi ʋamacinda ePersia neMedia, akanzwa ɀakaitwa naʋahosi, acataura ʋo ɀakaɗaro kumacinda ose amambo. Naiɀoɀo kushoʋora nokutsamŋa kukuru kucamuka. 19Kana mambo acifara naɀo, mambo ŋgaateme murairo unesimba ramambo, unyorwe pamirairo yaʋaPersia naʋaMedia, urege kushandurwa, kuti Vashti arege kuzoʋuya ɀe pamberi pamambo Ahashveroshi; mambo ŋgaape mumŋe wakanaka kupfuʋura iye ʋuhosi bgake. 20Ɀino kana cireʋo camambo caʋacatema, cikaparidzwa paʋushe bgake bgose, (nokuti ʋukuru kwaɀo,) ʋakadzi ʋose ʋacakudza ʋarume ʋaʋo, ʋose ʋakuru naʋaɗuku. 21Shoko iro rikafadza mambo namacinda; mambo ndokuita seɀakarebga naMemukani; 22nokuti wakatuma ŋwadi kumatiʋi ose enyika dzose dzamambo, ɗiʋi rimŋe nerimŋe renyika nomunyorere wayo, norudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo, kuti murume mumŋe nomumŋe aʋe murairi mumba make, ataure norurimi rwake.
Zvasarudzwa nguva ino
Estere 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: