Estere 2
2
Estere unoitwa ʋahosi panɀimbo yaVashti.
1Ɀino shure kwaiɀoɀo, kutsamŋa kwamambo Ahashveroshi kwakati kwanyarara, akaraŋgarira Vashti neɀaakaita, necireʋo cakatemŋa pamsoro pake. 2Ipapo ʋaranda ʋamambo ʋaimuɓatira, ʋakati: Mambo ŋgaatȿakirwe mhandara dzakanaka; 3mambo ŋgaaise ʋatariri pamatiʋi ose oʋushe bgake, ʋaʋuŋganidze mhandara dzose dzakanaka paShushani nhare yamambo, paimba yaʋakadzi, ʋaceŋgetwe naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi; ʋapiwe ʋo ɀaʋaŋgaɀinatsa naɀo; 4ɀino musikana unofarirwa namambo ŋgaaʋe ʋahosi panɀimbo yaVashti. Iɀoɀo ɀikafadza mambo, akaita saiɀoɀo.
5Ɀino paShushani panhare yamambo pakaŋga panomuJuda, wainzi Mordekai, mŋanakomana waJairi, mŋanakomana waShimei, mŋanakomana waKishi, muBenjamini, 6wakaŋga atapxa Jerusarema, pamŋe cete naʋatapxa ʋakaŋga ʋatapxa naJekonia mambo waJuda, wakaŋga atapxa naNebukadnezari mambo weBabironi. 7Iye wakaŋga arera Hadasa, ndiye Estere, mukunda waɓaɓamunini wake; nokuti wakaŋga asinaɓaɓa namai; ɀino musikana uyu wakaŋga akanaka paʋumiro bgake napaciso cake; pakufa kwaɓaɓa ʋake namai ʋake Mordekai ndokumutora, akamuita mukunda wake. 8Ɀino murairo wamambo necireʋo cake ɀakati ɀanzwika, ʋasikana ʋazhinji ʋakaʋuŋganidzwa paShushani nhare yamambo, paʋaiceŋgetwa naHegai, Estere akatorwa ʋo, akaiswa mumba mamambo, akaceŋgetwa naHegai mutariri waʋakadzi. 9Musikana uyu akamufadza, akanzwirwa tsitsi naye, akacimbidzika kumupa ɀaaŋgaɀinatsa naɀo, nemigoʋe yake yeɀokudya ʋuye ʋasikana ʋanomŋe ʋaakafanira kupiwa, ʋaibva paimba yamambo; akamuisa iye naʋasikana ʋake pakaŋga pakaiȿo‐naka paimba yaʋakadzi. 10Asi Estere wakaŋga asina‐kuʋaziʋisa rudzi rwake nehama dzake; nokuti Mordekai wakaŋga amuraira, kuti arege kuʋaziʋisa iɀoɀo. 11Ɀino Mordekai waifamba pamberi poruʋazhe rweimba yaʋakadzi mazuʋa ose, agoziʋa kuti Estere wakaɗini, ʋuye kuti ʋacaitei naye. 12Ɀino dzoro romusikana mumŋe nomumŋe rakati riciȿika kupinda kunamambo Ahashveroshi, kana aitirwa ɀose nomurairo waʋakadzi mŋedzi inegumi nemiʋiri, (nokuti mazuʋa okunatswa kwaʋo akapera kuɗai: Mŋedzi mitanhatu ʋacizora mafuta emura, mŋedzi mitanhatu ɀinonhuwira, ʋuye ɀimŋe ɀinhu ɀokunatsa ʋakadzi naɀo,) 13ɀino musikana akapinda nomutoʋo wakaɗaro kunamambo, ʋuye cinhu cipi necipi caaiɗa waicipiwa, kuti aɓuɗe naco paimba yaʋakadzi, apinde mumba mamambo. 14Waienda maɗekwana, ndokudzokera maŋgwana kuimba yecipiri yaʋakadzi, paaiceŋgetwa naShaashgazi, muranda wamambo, waiceŋgeta ʋaroŋgo; haazaipinda ɀe kunamambo, asi kana aciŋge afarirwa namambo, akaɗanwa nezita rake. 15Ɀino dzoro raEstere mukunda waAbihairi, ɓaɓamunini ʋaMordekai, wakaŋga amutora akamuita mukunda wake, rakati riciȿika rokupinda kunamambo, haana‐kukumbira cinhu asi iɀo ɓedzi ɀakaŋga ɀarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi. Ɀino Estere akanzirwa tsitsi naʋose ʋaimuʋona. 16Naiɀoɀo Estere akaiswa kunamambo Ahashveroshi muimba yake yoʋushe nomŋedzi wegumi, ndiwo mŋedzi weTebeti, pagore recinomŋe rokuɓata kwake ʋushe. 17Mambo akaɗa Estere kupfuʋura ʋamŋe ʋakadzi ʋose, akanzwirwa tsitsi noʋunyoro naye kupfuʋura dzimŋe mhandara dzose; naiɀoɀo akaisa korona yoʋuhosi pamusoro wake, akamuita ʋahosi panɀimbo yaVashti. 18Ipapo mambo akaitira macinda ake ose naʋaranda ʋake ʋose mutambo mukuru, uri mutambo waEstere; akaraira zororo pamatiʋi enyika, akagoʋera ɀipo, mambo asiŋganyimi napaɗuku. 19Ɀino pakuʋuŋganidzwa kwemhandara rwecipiri, Mordekai wakaŋga agere pasuʋo ramambo. 20Estere wakaŋga acigere kuʋaziʋisa hama dzake kana rudzi rwake, seɀaakarairwa naMordekai; nokuti Estere wakaterera murairo waMordekai, seɀaaisiita acarerwa naye. 21Ɀino pamazuʋa iwayo Mordekai agere pasuʋo ramambo, ʋaranda ʋaʋiri ʋamambo, Bigtani naTereshi, pakati paʋarindi ʋomukoʋa, ʋakatsamŋa ʋakatȿaka kuʋuraya mambo Ahashveroshi. 22Cinhu ico cikazikanwa naMordekai, iye ndokuziʋisa ʋahosi Estere, Estere akandoʋudza mambo nezita raMordekai. 23Ɀino ʋakati ʋacinɀera cinhu ico, ʋakawana kuti ɀirokwaɀo, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakasuŋgirirwa pamuti; ɀikanyorwa mubuku yamakoronike pamberi pamambo.
Zvasarudzwa nguva ino
Estere 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: