Estere 4
4
Estere unoreʋerera ʋaJuda panamambo Ahashveroshi.
1Ɀino Mordekai wakati acinzwa ɀose ɀaitwa, Mordekai ndokubvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu nokuisa maɗota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo; 2akaȿika ʋo pamberi pesuʋo ramambo; nokuti wakafuka magumbu haana‐kutenderwa kupinda pasuʋo ramambo. 3Naparutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, pakaŋga pano‐kucema kukuru pakati paʋaJuda, nokuɀinyima ɀokudya, nokucema misodzi, nokuwuŋgudza; ʋazhinji ʋakaʋata pasi ʋakafuka magumbu nokuɀiisa maɗota pamisoro. 4Ɀino ʋasikana ʋaEstere naʋaranda ʋake ʋakandomuʋudza iɀoɀo; ʋahosi ʋakaɓatwa neshuŋgu kwaɀo, ʋakatumira Mordekai ŋguʋo, kuti adzifuke, abvise magumbu; asi wakaramba kudzigamucira. 5Ipapo Estere akaɗana Hataki, mumŋe waʋaranda ʋamambo, waakaŋga araira kumuɓatira, akamuraira kuti aende kunaMordekai kundonzwa kuti cinyi, ʋuye mhaka yeiko. 6Ipapo Hataki akaenda kunaMordekai paɗare reguta, rakaŋga riri pamberi pesuʋo ramambo. 7Mordekai akamuʋudza ɀose ɀaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti ucaiisa muɀiʋigiro ɀamambo kuti ʋaJuda ʋaparadzwe. 8Akamupa ʋo mashoko orunyoro rwecireʋo cakaŋga catemŋa paShushani cokuti ʋaparadzwe, kuti aciratidze Estere nokumuziʋisa iɀoɀo; akamuraira ʋo kuti apinde kunamambo amunyeŋgetere nokukumbirira ʋanhu ʋake kwaari. 9Hataki akandoʋudza Estere mashoko aMordekai. 10Ipapo Estere akataura naHataki, akamupa shoko rokundoʋudza Mordekai, akati: 11Ʋaranda ʋose ʋamambo naʋanhu ʋamatiʋi enyika dzamambo ʋanoziʋa kuti aninani, kunyaŋge murume kana mukadzi, kana akapinda kunamambo muruʋazhe rwomukati asina‐kuɗanwa, kunoŋgoʋa nomurau mumŋe woga kwaari, kuti aʋurawe; asi kana mambo akamutambunudzira tȿimbo yendarama, ucararama hake; asi ini handina‐kuɗanwa kuti ndipinde kunamambo mazuʋa ano anamakumi matatu. 12Ʋakaʋudza Mordekai mashoko aEstere. 13Ipapo Mordekai akaʋaraira kuti ʋapindure Estere, ʋati: Usati iwe ucapukunyuka mumba mamambo kupfuʋura ʋamŋe ʋaJuda ʋose. 14Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here? 15Ipapo Estere akaraira kuti ʋapindure Mordekai, ʋati: 16Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu. 17Naiɀoɀo Mordekai akaenda hake akandoita ɀose ɀaakarairwa naEstere.
Zvasarudzwa nguva ino
Estere 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: