Estere 5
5
1Ɀino pazuʋa recitatu Estere wakafuka ŋguʋo dzake dzoʋuhosi, akandomira paruʋazhe rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo wakaŋga agere pacigaro cake coʋushe paimba yake yoʋushe, pakatarisana nomukoʋa weimba. 2Ɀino mambo wakati aciʋona ʋahosi Estere amire paruʋazhe, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Estere tȿimbo yendarama yakaŋga iri muruʋoko rwake. Ipapo Estere akasweɗera, akaɓata muromo wetȿimbo. 3Ɀino mambo akati kwaari: Unoreʋeiko ʋahosi Estere? Unokumbireiko? Ucaɀipiwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. 4Estere akati: Kana mambo acifara naɀo, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye nhasi kumafundo andakamugadzirira. 5Ipapo mambo akati: Hamani ŋgaacimbidzike, kuti ɀakarebga naEstere ɀiitwe. Naiɀoɀo mambo naHamani ʋakaenda kumafundo akaŋga agadzirwa naEstere. 6Ɀino mambo akati kunaEstere pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. 7Ipapo Estere akapindura akati: Kunyeŋgetera kwaŋgu nokukumbira kwaŋgu ndikoku: 8Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo aciɗa kundipa candinonyeŋgetera, nokuita candinokumbira, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye kumafundo andicaʋagadzirira, maŋgwana ndicaita seɀarebga namambo. 9Ipapo Hamani wakaenda nezuʋa iro acifara, anomŋoyo mucena; asi Hamani wakati aciʋona Mordekai pasuʋo ramambo, kuti wakaramba kumusimukira, kana kumutya, akaȿotwa kwaɀo pamsoro paMordekai. 10Asi Hamani wakaɀidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzoɗana shamŋari dzake nomukadzi wake Zereshi. 11Hamani akaʋarondedzera kubginya kwefuma yake, nokuwanda kwaʋana ʋake, namakudzirwe aakaitwa namambo, namapfuʋudzirwe ake aʋe mukuru kumacinda naʋaranda ʋose ʋamambo. 12Hamani akapfuʋura akati: Naʋahosi Estere haʋana‐kutendera mumŋe munhu kupinda namambo kumafundo aʋakagadzira, asi ini ndoga; ʋuye maŋgwana ʋo ndaɗanwa naʋo pamŋe cete namambo. 13Asi iɀo ɀose haɀindiɓetseri cinhu, kana ndicigara ndiciʋona Mordekai muJuda agere pasuʋo ramambo. 14Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamŋari dzake dzose ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋagadzire matanda anamakubiti#5:14 Kubiti kubva pagokora kuȿikira paminwe. makumi mashanu pakureɓa kwawo, maŋgwana mugokumbira kunamambo kuti Mordekai asuŋgirirwe paari; ipapo muŋgapinda henyu nomufaro namambo kumafundo. Ɀino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Estere 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: