Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Estere 6

6
Mordekai unokudzwa.
1Ɀino ʋusiku ubgo mambo wakashaiwa hope, akaraira kuti ʋaʋuye nebuku yamashoko amakoronike, akaraʋirwa mambo. 2Ʋakawana kuti pakanyorwa kuti Mordekai wakaɗeya kuziʋisa mashoko aBigtana naTereshi, ʋaranda ʋaʋiri ʋamambo pakati paʋarindi ʋomukoʋa, ʋakatȿaka kuʋuraya mambo Ahashveroshi. 3Ipapo mambo akati: Mordekai wakakudzwa nokurumbidzwa seiko pamsoro pecinhu ici? Ʋaranda ʋamambo ʋaimuɓatira ʋakati: Haana‐caakaitirwa. 4Mambo akati: Ndianiko uri paruʋazhe? Ɀino Hamani wakaŋga apinda paruʋazhe rwokunze rweimba yamambo, aciɗa kukumbira kunamambo kuti Mordekai asuŋgirirwe pamatanda aakaŋga amugadzirira. 5Ʋaranda ʋamambo ʋakati kwaari: Tarirai, Hamani umire paruʋazhe. Mambo akati: Ŋgaapinde. 6Naiɀoɀo Hamani akapinda. Mambo akati kwaari: Munhu mambo waanoɗa kumukudza uŋgaitirweiko? Ɀino Hamani akati mumŋoyo make: Mambo ʋaŋgaɗa kukudza aniko, asi ini? 7Hamani akati kunamambo: Iye munhu mambo waanoɗa kukudza, 8ŋgaatorerwe ŋguʋo dzoʋushe, idzo dzinosifukwa namambo, nebiza rinositaȿwa namambo, nekorona yoʋushe inosidzikwa pamusoro wake; 9ɀino ŋguʋo nebiza ŋgaɀiiswe pamaʋoko omumŋe wamacinda amambo unokudzwa kwaɀo, kuti ʋafukidze munhu uyo mambo waanoɗa kukudza, ʋagomufambisa munzira dzomuguta, akataȿa biza, ʋaɗanidzire pamberi pake, ʋaciti: Munhu mambo waanoɗa kukudza ŋgaaitirwe saiɀoɀo. 10Ipapo mambo akati kunaHamani: Cimbidzika utore ŋguʋo nebiza, seɀawataura, undoitira Mordekai muJuda saiɀoɀo, iye ugere pasuʋo ramambo; usarega shoko rimŋe pamashoko ose awataura. 11Ɀino Hamani akatora ŋguʋo nebiza, akafukidza Mordekai, akamufambisa panzira dzomuguta akataȿa biza, akaɗanidzira pamberi pake, aciti: Ndiɀo ɀicaitirwa munhu uyo mambo waanoɗa kukudza. 12Ɀino Mordekai akadzokera kusuʋo ramambo. Asi Hamani wakacimbidzika kuenda kumba kwake acicema, akafukidza musoro wake. 13Hamani akarondedzera kunaZereshi mukadzi wake neshamŋari dzake dzose ɀose ɀaakaitirwa. Ipapo shamŋari dzake dzakaŋgwara naZereshi mukadzi wake ʋakati kwaari: Kana Mordekai uyu wawakataŋga kuwa pamberi pake ari worudzi rwaʋaJuda, hauŋgakundi, asi ɀirokwaɀo ucawa pamberi pake. 14Ʋakati ʋacataura naye, ʋaranda ʋamambo ʋakaȿika, ʋakacimbidzika kuenda naHamani kumafundo akaŋga agadzirwa naEstere.

Zvasarudzwa nguva ino

Estere 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda