Eksodo 1
1
Kutambudzika kwaʋaIsraeri paEgipita.
1Ndiwo mazita aʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaenda Egipita: mumŋe nomumŋe wakaenda naJakobo anaʋeimba yake: 2Rubeni, naSimeoni, naRevi, naJuda, 3naIsakari, naZeburuni, naBenjamini, 4naDani, naNaftari, naGadi, naAsheri 5Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋabva muciʋuno caJakobo ʋakaŋga ʋari ʋanhu ʋanamakumi manomŋe; asi Josefa wakaŋga atoʋa Egipita. 6Ɀino Josefa akafa, naʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋose, naʋose ʋakaŋga ʋanezero naʋo. 7Ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓerekana, ʋakawanda kwaɀo, ʋakaʋa nesimba guru‐guru; nyika yakaŋga izere naʋo.
8Ɀino paEgipita pakamuka mumŋe mambo mutȿa, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa. 9Iye akati kuʋanhu ʋake: Tarirai, ʋanhu aʋa, ʋana ʋaIsraeri, ʋanotipfuʋura isu pakuwanda nesimba; 10ʋuyai, ŋgatiʋafuŋgire zano, ʋarege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, iʋo ʋaŋgaɓatsirana naʋaʋeŋgi ʋeɗu, ʋakarwa nesu, ʋakabva panyika ino. 11Naiɀoɀo ʋakagadza pamsoro paʋo ʋatariri ʋeɓasa, kuti ʋaʋanetse nemirimo yaʋo. Ʋakaʋakira Farao maguta anamatura, Pitomi neRamesesi. 12Asi ʋaciramba ʋaciʋanetsa, iʋo ʋakaramba ʋaciwanda kwaɀo, ʋaciŋgopararira. Ʋakaʋora mŋoyo nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri 13ƲaEgipita ʋakaʋaɓatisa ɀinorema; 14ʋakanetsa ʋupenyu bgaʋo neɓasa rinorema pamatope neɀitina, namaɓasa ose eminda, maɓasa aʋo ose, ʋaciʋaɓatisa ɀinorema.
15Ɀino mambo weEgipita akaʋudza madzimbuya aʋaHeberu, ʋainzi mumŋe Shifra, mumŋe Pua; 16akati: Kana muciɓatsira ʋakadzi ʋaʋaHeberu paɓasa ramadzimbuya, muciʋaʋona pakupona, kana ari mŋanakomana mumuʋuraye, kana ari mŋanasikana, ŋgaararame hake. 17Asi madzimbuya akaŋga acitya Mŋari, akasaita seɀaakarairwa namambo weEgipita, asi ʋakarega ʋanakomana ʋari ʋapenyu haʋo. 18Mambo weEgipita akaɗana madzimbuya, akati kwaʋari: Makaitireiko iɀoɀo, mukarega ʋanakomana ʋari ʋapenyu? 19Madzimbuya akati kunaFarao: Nokuti ʋakadzi ʋaʋaHeberu haʋana‐kufanana naʋakadzi ʋaʋaEgipita, nokuti ʋanesimba; mbuya ʋasati ʋaȿika kwaʋari, ʋatopona haʋo. 20Naiɀoɀo Mŋari akaitira madzimbuya ɀakanaka, ʋanhu ʋakawanda kwaɀo, ʋakaʋa nesimba kwaɀo. 21Ɀino madzimbuya ɀaakaŋga acitya Mŋari, iye akaʋapa mhuri. 22Farao akaraira ʋanhu ʋake ʋose, akati: Ʋanakomana ʋose ʋanozoɓerekwa, muʋakandire murwizi, asi ʋasikana ʋose muʋarege ʋari ʋapenyu haʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: