Eksodo 2
2
Kuɓerekwa kwaMosesi. Unoʋuraya muEgipita, ndokutizira Midiani.
1Ɀino mumŋe murume weimba yaʋaRevi wakawana mukunda waʋaRevi. 2Mukadzi akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana; ɀino wakati aciʋona kuti mŋana wakanaka, akamuʋanza mŋedzi mitatu. 3Wakati asicagoni kumuʋanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebitumini nenamo, akaisa mŋana mukati mayo, akaigadzika pakati petsaŋga pamhenderekedzo dzorwizi. 4Hanɀadzi yake ikandomira kure ɀishoma, kuti aziʋe ɀicaitwa naye. 5Ɀino mukunda waFarao wakaɓuruka kundoshamba murwizi, ʋasikana ʋake ʋakafamba‐famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaʋona tswanda pakati petsaŋga, ndokutuma musikana wake kundoitora. 6Akaizarura, akaʋona mŋana, mŋana wecikomana, ʋonei unocema. Akamunzwira ŋgoni, akati: Ndomumŋe waʋana ʋaʋaHeberu. 7Ipapo hanɀadzi yake yakati kumukunda waFarao: Ko handiŋgaendi ndikakuɗanirai mumŋisi kuʋakadzi ʋaʋaHeberu, kuti akumŋisirei mŋana here? 8Mukunda waFarao akati kwaari: Enda. Musikana akaenda, akandoɗana mai ʋomŋana. 9Mukunda waFarao akati kwaari: Tora mŋana uyu, undimŋisire iye, ndigokupa muɓairo wako. Mukadzi akatora mŋana, akandomumŋisa. 10Mŋana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akaʋa mŋanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mosesi, akati: Nokuti ndamunyukura mumvura.
11Ɀino namazuʋa iwayo Mosesi akura, akaenda kundoʋona hama dzake, akandotarira mirimo yaʋo; akaʋona muEgipita aciroʋa muHeberu, mumŋe wehama dzake. 12Akariŋga‐riŋga, ɀino aciʋona kuti hapanomunhu’po, akaʋuraya muEgipita, akamuʋiga mujeca. 13Akaɓuɗa ɀe nezuʋa recipiri, akaʋona ʋarume ʋaʋiri ʋaHeberu ʋacirwa; akati kunaiye waiʋa nemhoȿa: Unoroʋereiko munhu wokwako? 14Iye akati: Ndianiko wakakuita ishe nomutoŋgi weɗu? Unoɗa kundiʋuraya ini seɀawakaʋuraya uya muEgipita kanhi? Mosesi akatya, akati: Ɀirokwaɀo, cinhu ici cazikanwa. 15Ɀino Farao wakati anzwa cinhu ico, akatȿaka kuʋuraya Mosesi. Asi Mosesi wakatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidiani, akagara pasi patsime. 16Ɀino muprista weMidiani wakaŋga anaʋakunda ʋanomŋe; iʋo ʋakaʋuya kuzocera mvura, ʋakazadza ɀinwiro, kuti ʋanwise makwai aɓaɓa ʋaʋo. 17Ʋafudzi ʋakaʋuya, ʋakaʋadziŋga’po, asi Mosesi wakasimuka, akaʋaɓatsira, akanwisa makwai aʋo. 18Ɀino ʋakati ʋaciȿika kunaRehueri, ɓaɓa ʋaʋo, iʋo ʋakati: Makurumidza kudzoka seiko nhasi? 19Ʋakati: MuEgipita wakatirwira pamaʋoko aʋafudzi, akaticerera mvura, akanwisa makwai. 20Akati kuʋakunda ʋake: Ɀino uripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Muɗanei, adye ɀokudya. 21Mosesi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mosesi mukunda wake Zipora. 22Akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Gershomi, nokuti wakati: Ndakaŋga ndiri mutorwa munyika yaʋamŋe.
23Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, mambo weEgipita akafa; ʋana ʋaIsraeri ʋakagomera nokuɗa kwoʋuranda bgaʋo, ʋakaɗanidzira, kuɗanidzira kwaʋo kukaȿika kunaMŋari nokuɗa kwoʋuranda. 24Mŋari akanzwa kugomba kwaʋo, Mŋari akaraŋgarira suŋgano yake naAbrahama, naIsaka, naJakobo. 25Mŋari akaʋona ʋana ʋaIsraeri, Mŋari akaʋaraŋgarira.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: