Eksodo 15
15
Rwiyo rwaʋaIsraeri.
1Ɀino Mosesi naʋana ʋaIsraeri ʋakaimbira Jehova rwiyo urwu, ʋakataura ʋaciti:
Ndicaimbira Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake;
Wakakandira biza nomutaȿi waro muguŋgwa.
2Jehova ndiro simba raŋgu norwiyo rwaŋgu;
Iye wakaʋa ruponeso rwaŋgu;
Uyu ndiye Mŋari waŋgu, ndicamurumbidza;
Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu, ndicamukudza.
3Jehova munhu wokurwa;
Jehova ndiro zita rake.
4Wakakandira ŋgoro dzaFarao nehondo yake muguŋgwa;
Ʋarwi ʋake ʋakasanaŋgurwa ʋakanyudzwa muGuŋgwa Dɀuku.
5 Mʋura yakadzika yakaʋafukidza;
Ʋakanyura makadzika sebge.
6Rudyi rwenyu, Jehova, rwakakudzwa nesimba rarwo;
Rudyi rwenyu, Jehova, runoputsanya ʋaʋeŋgi.
7Noʋumambo bgenyu ʋukuru munowisira pasi ʋanokumukirai simba;
Munotuma kutsamŋa kwenyu, kunoʋapisa sehundi.
8Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaʋuŋganidzwa pamŋe cete;
Nzizi dzikamira dzikaita murwi,
Mvura yakadzika yakagwamba mukati meguŋgwa.
9Muʋeŋgi wakati:
Ndicateʋerera, ndicaʋaɓata, ndicagoʋera ɀandapamba;
Kuciʋa kwaŋgu kucagutswa naʋo;
Ndicavomora munondo waŋgu, ruʋoko rwaŋgu rucaʋaparadza.
10Makafema mŋeya wenyu, guŋgwa rikaʋafukidza,
Ʋakanyura somutobvu mumvura inesimba.
11Ndianiko wakafanana nemi, Jehova, pakati paʋamŋari?
Ndianiko wakafanana nemi paʋukuru bgoʋutȿene,
Munorumbidzwa mucityisa, munoita ɀishamiso?
12Makatambanudza ruʋoko rwenyu rworudyi,
Nyika ikaʋamedza.
13Makafambisa nenyasha dzenyu ʋanhu ʋamakadzikinura;
Makaʋaperekedza nesimba renyu kuʋugaro bgenyu ʋutȿene.
14Ʋanhu ʋakanzwa ʋakaɗeɗera,
Maɓayo akawira ʋanhu ʋagere Firistia.
15Ipapo macinda eEdomi akashamiswa,
Kuɗeɗera kwakawira ʋanhu ʋanesimba ʋeMoabi;
Ʋanhu ʋose ʋanogara Kanani ʋakanyauka.
16Kutya nokuvunduka kwakaʋawira;
Ʋakanyarara sebge noʋukuru bgoruʋoko rwenyu;
Kuȿikira ʋanhu ʋenyu ʋayambuka, Jehova,
Kuȿikira ʋanhu ʋenyu ʋamakaɀitȿakira ʋayambuka.
17Mucaʋapinza, nokuʋasima pagomo renhaka yenyu,
Paʋugaro bgamakaɀiitira, kuti mugare’po, Jehova;
Patȿene pakaitwa namaʋoko enyu.
18Jehova ucaɓata ʋushe nokusiŋgaperi.
19Nokuti mabiza aFarao akapinda muguŋgwa pamŋe cete neŋgoro dzake, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, Jehova akadzosera mvura yeguŋgwa pamsoro paʋo; asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa. 20Ɀino Miriami, muprofitakadzi, hanɀadzi yaAroni, wakatora gandira muruʋoko rwake, ʋakadzi ʋose ʋakaɓuɗa ʋakamuteʋera ʋanamakandira, ʋacitamba. 21Miriami akaʋapindura, akati:
Imbirai Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake;

Ʋanoȿika Mara neErimi.
22Ɀino Mosesi wakatuŋgamirira ʋaIsraeri, ʋakabva paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaenda kurenje reShuri, ʋakaita mazuʋa matatu ʋacifamba murenje ʋasiŋgawani mvura. 23Ʋakaȿika Mara, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakaŋga iciʋaʋa; naiɀoɀo zita ra’po rakanzi Mara. 24Ɀino ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Ticanweiko? 25Iye akacema kunaJehova, Jehova akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akaʋaitira’po murairo nomutemo, akaʋaidza’po; 26akati: Kana uciterera nomŋoyo wose inzwi raJehova Mŋari wako, ukaita ɀakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeʋe dzako kumirairo yake, ukaceŋgeta ɀaakatema ɀose, handiŋgaisi pamsoro pako marwadzi andakaisa pamsoro paʋaEgipita, nokuti ndini Jehova murapi wako.
27Ɀino ʋakaȿika Erimi, pakaŋga panamatsime emvura anegumi namaʋiri, nemicindwe inamakumi manomŋe, ʋakaʋaka’po misasa pamvura.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: