Eksodo 16
16
ƲaIsraeri ʋanopiwa ɀihuta nemana.
1Ɀino ʋakabva Erimi parwe ndo rwaʋo, ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ikaȿika parenje reSini, riri pakati peErimi neSinai, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wecipiri pakubva kwaʋo panyika yeEgipita. 2Ɀino ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; 3ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara. 4Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete. 5Ɀino nomusi wetanhatu kana ʋogadziraiɀo ɀaʋaʋuya naɀo, ɀicaita ɀiyero ɀiʋiri kana ʋacienzanisa neciyero caʋanosiʋuŋganidza zuʋa rimŋe nerimŋe. 6Ɀino Mosesi naAroni ʋakati kuʋana ʋaIsraeri ʋose: Maɗekwana mucaziʋa kuti Jehova ndiye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita. 7Fume maŋgwana mucaʋona kubginya kwaJehova, nokuti iye wakanzwa kupopota kwamakapopotera Jehova nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? 8Mosesi akati: Mucaʋona iɀoɀo kana Jehova acikupai nyama maɗekwana, mukaidya, namaŋgwana kana acikupai ɀiŋgwa, mukaguta; nokuti Jehova wakanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehova. 9Mosesi akati kunaAroni: Ʋudza ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti: Sweɗerai pamberi paJehova, nokuti wakanzwa kupopota kwenyu. 10Ɀino Aroni wakati acataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakatarira kurutiʋi rwokurenje, ʋakaʋona kubginya kwaJehova kuciratidzwa mugore. 11Jehova akataura naMosesi, akati: 12Ndanzwa kupopota kwaʋana ʋaIsraeri; taura naʋo, uti: Maɗekwana mucadya nyama, fume maŋgwana mucaguta ɀiŋgwa; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu. 13Ɀino maɗekwana ɀihuta ɀikakwira, ɀikafukidza misasa; fume maŋgwana ɗoʋa rakaŋga rakapoteredza misasa 14Ɀino ɗoʋa rakaŋga riri pasi rakati radzimuka, ʋakaʋona ɀinhu ɀiɗuku ɀakaʋuruŋgana ɀakaŋga ɀiri pasi murenje, ɀiɗuku secando pavu. 15Ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakabvunzana, ʋaciti: Cinyiko? Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiziʋi. Mosesi akati kwaʋari: Ndico ciŋgwa camapiwa naJehova kuti mudye. 16Ɀino heri shoko rakarairwa naJehova: Muɀiʋuŋganidzire cinhu ico, mumŋe nomumŋe seɀaanosidya; munhu mumŋe nomumŋe omeri#16:16 Ɀineŋge garoni rimŋe. imŋe, muciʋereŋga ʋanhu ʋenyu, mumŋe nomumŋe atorere ʋari mutente rake. 17Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo, ʋamŋe ʋakaʋuŋganidza ɀizhinji, ʋamŋe ɀishoma. 18Ɀino ʋakati ʋoɀiidza neomeri, uyo wakaŋga aʋuŋganidza ɀizhinji haana‐kusarirwa necinhu, naiye wakaŋga aʋuŋganidza ɀishoma haana‐kushaiwa; mumŋe nomumŋe wakaŋga aʋuŋganidza seɀaaisidya. 19Mosesi akati kwaʋari: Kurege kuʋa nomunhu unosiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana. 20Asi haʋana‐kuterera Mosesi, asi ʋamŋe ʋakasiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana; ɀikazara nehonye, ɀikanhuwa; Mosesi akaʋatsamŋira. 21Ʋakaɀiʋuŋganidza maŋgwanani ose, mumŋe nomumŋe seɀaaidya; kana zuʋa ropisa ɀakanyakatika. 22Nezuʋa retanhatu ʋaiʋuŋganidza ciŋgwa ʋaciita ɀiyero ɀiʋiri, mumŋe nomumŋe omeri mbiri; ɀino ʋakuru ʋose ʋeʋuŋgano ʋakaʋuya kuzoʋudza Mosesi. 23Mosesi akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakataurwa naJehova: Maŋgwana izuʋa rezororo, isaɓata rakatsaurirwa Jehova; gocai ɀamunoɗa kugoca, ɓikai ɀamunoɗa kuɓika; ɀose ɀasara muɀiʋige, muɀiceŋgetere maŋgwana. 24Ʋakaɀiʋiga kuȿikira maŋgwana, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi; ɀino iɀo haɀina‐kunhuwa, nehonye hadzina‐kuzoʋa’mo. 25Mosesi akati: Cidyai henyu iɀoɀo nhasi, nokuti nhasi isaɓata raJehova. Nhasi hamuŋgaɀiwani kusaŋgo. 26Munofanira kuɀiʋuŋganidza mazuʋa matanhatu; asi zuʋa recinomŋe isaɓata; nezuʋa iro hakuŋgaʋi necinhu. 27Ɀino nezuʋa recinomŋe ʋamŋe ʋakaɓuɗa kundoɀiʋuŋganidza, asi haʋana‐kuwana cinhu. 28Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Munoramba kuceŋgeta mirairo yaŋgu nemirau yaŋgu kuȿikira riniko? 29Tarirai, Jehova ɀaakakupai saɓata, naiɀoɀo unokupai ɀokudya ɀamazuʋa maʋiri nezuʋa retanhatu; mumŋe nomumŋe wenyu ngaagare kwaagere, kurege kuʋa’po nomunhu unoɓuɗa kwaagere nezuʋa recinomŋe. 30Ʋanhu ʋakazorora nezuʋa recinomŋe 31Ɀino ʋeimba yaIsraeri ʋakatumidza iɀoɀo zita rinonzi Mana; cakaŋga ciri cicena setsaŋga yekorianderi; kunaka kwaɀo kwakaŋga kwakafanana neɀiŋgwa ɀakaɓikwa noʋuci. 32Ɀino Mosesi akati: Ndiro shoko rakarairwa naJehova: Omeri izere ŋgaiceŋgeterwe marudzi enyu, ʋaʋone ciŋgwa candakakugutsai naco murenje, ŋguʋa yandakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. 33Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Tora hari uise’mo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehova, kuti iceŋgeterwe marudzi enyu. 34Seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, saiɀoɀo Aroni wakaɀigadzika pamberi peCipupuriro, kuti ɀiceŋgetwe’po. 35Ʋana ʋaIsraeri ʋakadya mana makore makumi manna, kudzimana ʋaciȿika panyika yakagarwa naʋanhu; ʋakadya mana kudzimana ʋaciȿika pamiganhu yenyika yeKanani. 36Ɀino omeri cegumi ceefa.#16:36 Ɀineŋge magaroni mapfumbamŋe.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: